Tsumo nemadimikira namukanya

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:
Chigere ibwe muti unowa.
Tsumo iyi inoreva kuti chinhu chisingabve pachakagara idombo, asi miti inobva.
Tsumo iyi inokurudzira kuti vanhu vasafunge kuti zvavari zvakaita serugare zvinoramba zvakadaro.
Zvekuita:
Tipe mamwe mazwi anoreva zvakafanana neaya: ibwe, kuwa
Mhinduro: dombo, kudonha
* * *
Svondo rino:
Kunokanganwa mudyi wenyemba, muoreri wamateko haakanganwi.
Tsumo iyi yakafanana neiya inoti “Chinokanganwa idemo, asi muti wakatemwa haukanganwi.” Inoreva kuti munhu akaitirwa zvakaipa haazvikanganwe.
Zvekuita:
Tipe mamwe mazwi anoreva zvakafanana nerekuti mateko.
* * *

Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links