Tsumo nemadimikira namukanya

01 Feb, 2019 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:
Kufa hwehosi inosiya imwe

Kana munhu anga ane chinzvimbo pabasa, mumusha kana muhutungamiri, akange afa anotsiviwa nemumwe. Mambo akafa kunouya mumwe mambo.

Zvekuita: Munhu anonzi hosi kana vahosi munhu akaita sei?

Mhinduro: Mukadzi mukuru wamambo

* * *

Svondo rino:

Mweni haapedze dura.

Kubatsira munhu ari kudarika nepamba penyu hakuite kuti musare musisina zvekudya kana kuti mupererwe nezvekushandisa.

Zvekuita: Chii chinonzi dura?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links