Tsumo nemadimikira namukanya

22 Feb, 2019 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Ateya mariva murutsva haatye kusviba magaro.

Kana munhu achinge atanga chimwe chinhu, haazeze zvimwe zvinogona kukonzerwa nechinhu ichocho. Rutsva rwunosvibisa, saka vanhu vaiteya mariva vaiteya vakagara kana kuchonjomara murutsva zvekuti vaizopedzisira vasviba.

Zvekuita: Rutsva chii?

 

Mhinduro

Huswa hwakatsva zvekusara angova matsito nedota.

* * *

Svondo rino:

Kure kwegava ndokusina mutsubvu.

Nekuti gava rinodisisa kudya muchero wetsubvu zvikuru, nyangwe zvikanzi muchero uyu uri kure kwazvo, gava harione kureba kwemutunhu wekuendako. Zvimwechete nemunhu, kana aine chinhu chaanodisisa kumwe kunhu, kunhu ikoko hakumuitire kure.

 

Zvekuita: Tsubvu chii?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links