Kwayedza
Mhinduro yesvondo rapera:
Chimedza matowo akadzipwa neganda remhuru.
Munhu anozviti ane hunyanzvi kana katsika kekuita zvinhu zvinoshamisa anozokurirwa kana kunyadziswa pahunyazvi hwake nekanhu kadiki kana kuti kasina basa.
Zvekuita: Matowo chii?
Mhinduro: Iganda kana kuti dehwe remhuka kana rechipfuyo semombe.
* * *
Svondo rino:
Mandikurumidze akazvara mandinonoke.
Kana munhu achiita zvinhu nekukasika nechinangwa chekuti akurumidze, kazhinji kukurumidza kwake kunomukonzera kuti atozononoka.
Zvekuita:
Rimwe izwi rinoreva kukurumidza ndi. . .?
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007