Tsumo nemadimikira namukanya

08 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Chimedza matowo akadzipwa neganda remhuru.

Munhu anozviti ane hunyanzvi kana katsika kekuita zvinhu zvinoshamisa anozokurirwa kana kunyadziswa pahunyazvi hwake nekanhu kadiki kana kuti kasina basa.

Zvekuita: Matowo chii?

Mhinduro: Iganda kana kuti dehwe remhuka kana rechipfuyo semombe.

* * *

Svondo rino:

Mandikurumidze akazvara mandinonoke.

Kana munhu achiita zvinhu nekukasika nechinangwa chekuti akurumidze, kazhinji kukurumidza kwake kunomukonzera kuti atozononoka.

Zvekuita:

Rimwe izwi rinoreva kukurumidza ndi. . .?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links