Tsumo nemadimikira namukanya

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:
Mandikurumidze akazvara mandinonoke.
Kana munhu achiita zvinhu nekukasika nechinangwa chekuti akurumidze, kazhinji kukurumidza kwake kunomukonzera kuti atozononoka.
Zvekuita: Rimwe izwi rinoreva kukurumidza ndi. . .?

Mhinduro: kukasika/kukasira/kuchimbidza
* * *
Svondo rino:
Mwana washe muranda kumwe.
Hazvinei nekuti uri munhu akakosha kwaunobva, kana ukaenda kune imwe nzvimbo kana nyika yausingazivikanwe hauwane ruremekedzo serwaunopihwa kumba.
Zvekuita: Mwanakomana washe anonzi chii?
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links