Tsumo nemadimikira namukanya

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Chaza masikati charamba ndima, chaza usiku charamba hope.

Kana pakaita dambudziko kana chinhu chinokanganisa chinenge chaitika masikati chinotadzisa vanhu kuita basa (ndima) uyewo chikaitika usiku vanhu havarare.

Zvekuita: Izwi rekuti chaza rinorevei?

 

Mhinduro – -za chiito chinoreva kuuya. Saka chaza zvinoreva kuti chauya.

* * *

Svondo rino:

Mwana atsva dumbu, amai vatsva musana.

Kana amai vachibereka mwana vanomuisa kumusana.

Kana mwana achiberekwa dumbu rake rinenge rakabatana nemusana wamai. Saka kana amai vatsva musana, mwana atsva dumbu zvinoreva kuti paita dambudziko guru rinokanganisa vese ari kubatsira neari kubatsirwa.

Zvekuita: Mwana anoberekwa nei chisiri tauro kana jira?

 

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links