Kwayedza
NGANO
Mhinduro yesvondo rapera:
Akuruma nzeve ndewako.
Kuruma nzeve idimikira rinoreva kunyeurira kana kuyambira. Saka kana munhu akakunyeurira, anenge akuudza zvausingazive nechinangwa chekuti ubatsirike kana kugadzirisa zvimwe zvinhu. Munhu asingakude haakunyeurire, anongokusiya wakadaro.
Zvekuita: Pedzisa imwe tsumo ine chekuita nenzeve. Kure kwemeso, nzeve . . .
Mhinduro: dzinonzwa
* * *
Svondo rino:
Avengwa anhuhwa.
Mukugarisana kwevanhu kana pachinge paita kuvengana, kazhinji vanhu ivavo havazodi kuonana kana kuswedera pedyo sezvavaisiita kare. Vanenge vave kuita sekunge vanonhuhwirana.
Zvekuita:Ndeipi mhuka inonhuhwa zvekuti tinoti, “Kunhuhwa se. . .”
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007