Tsumo nemadimikira namukanya

10 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

NGANO
Mhinduro yesvondo rapera:

Akuruma nzeve ndewako.

Kuruma nzeve idimikira rinoreva kunyeurira kana kuyambira. Saka kana munhu akakunyeurira, anenge akuudza zvausingazive nechinangwa chekuti ubatsirike kana kugadzirisa zvimwe zvinhu. Munhu asingakude haakunyeurire, anongokusiya wakadaro.

Zvekuita: Pedzisa imwe tsumo ine chekuita nenzeve. Kure kwemeso, nzeve . . .

Mhinduro: dzinonzwa

* * *

Svondo rino:

Avengwa anhuhwa.

Mukugarisana kwevanhu kana pachinge paita kuvengana, kazhinji vanhu ivavo havazodi kuonana kana kuswedera pedyo sezvavaisiita kare. Vanenge vave kuita sekunge vanonhuhwirana.

Zvekuita:Ndeipi mhuka inonhuhwa zvekuti tinoti, “Kunhuhwa se. . .”

* * *

 Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey