Tsumo nemadimikira namukanya

07 Jun, 2019 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:
Totenda maruva tadya chakata.

Zvimwe zvinhu zvinogona kuyevedza zvichivimbisa kuti zvichazove zvinhu zvikuru kana zvinoshamisa nekufamba kwenguva. Asi panogona kuita zvinotadzisa kuzozadziswa kwezvamanga muchifunga kuti zvichazovepo. Saka tinobvuma kuti maruva anozoita chakata kana tadziona chakata dzacho.

Zvekuita – Tiudze rimwe zita rechakata

 

Mhinduro – hacha

* * *

Svondo rino:

Kure kwemeso, nzeve dzinonzwa.

Zvimwe zvinhu zvinoitika zvisingaonekwe nevanhu, asi zvinozongozivikanwa nevakanga vasipo kuti zvakaitika.

Zvekuita: Pedzisa tsumo iyi:

. . . kwegava ndokusina mutsubvu.

* * *

 

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links