Kwayedza
NGANO
Mhinduro yesvondo rapera:
Kufa hwehosi inosiya imwe.
Kana munhu anga ane chinzvimbo pabasa, mumusha kana muhutungamiri, akange afa anotsiviwa nemumwe. Mambo akafa kunouya mumwe mambo.
Zvekuita: Munhu anonzi hosi kana vahosi akaita sei?
Mhinduro: Mukadzi mukuru wamambo kana kuti pabarika.
* * *
Svondo rino:
Mweni haapedze dura.
Kubatsira munhu ari kudarika nepamba penyu hakuite kuti musare musisina zvekudya kana kuti mupererwe nezvekushandisa.
Zvekuita:
Chii chinonzi dura?
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007