Tsumo nemadimikira namukanya

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Chakabaya chikatyokera.

Unogona kubayiwa nechinhu asi chinhu ichocho chobva chasiya chimwe chidimbu mukati nyangwe icho chabviswa. Tsumo iyi inoreva kurambira kweimwe tsika kana hunhu mumunhu zvekuti nyangwe akaedza sei, anokurirwa nehunhu hwaakajaira (hwakatyokera mukati).

Zvekuita: Chii chinoumbwa nemavara aya (umzawn) chinobaya chichityokera?

Mhinduro: munzwa

Svondo rino:

Chipitipiti chakazvara chimwandamwanda.

Tsumo iyi inoshandisa nyaudzosingwi mbiri. Chipitipiti kufamba kwemunhu kana vanhu vanoramba vachipinda kana kuenda kumba kwevamwe. Chimwandamwanda kureva kupesana kunoita kuti vanhu vapedzisire vave uyo kwake uyo kwake. Saka kunyanya kufambirana kunopedzisira kwakanganisa hushamwari.

Zvekuita: Zita rekuti mwanda rinoreva svumbu kana kuti dzumbu re…

* * *

Mhinduro svondo rinouya. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links