Tsumo nemadimikira namukanya

18 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:
Chekuba hachigari.
Vanhu vatema vaikurudzira hunhu hwakanaka pamwe chete nekushanda. Kana ukararama nekuba usingashande, zvaunoba hazvibatsire nekuti unogona kusungwa kana kuti iwe unozvishandisa usingazvikoshese, unongozvipfachura.
Zvekuita: Munhu anoba anonzi chii?

Mhinduro: gororo/mbavha/tsotsi/gevha
* * *
Svondo rino:
Chidoko chirera muviri, chikuru chinozouya wakora.
Munhu unogona kuchengetwa nezvinhu zvakashoreka, asi paunozowana zvakanaka unenge wambobatsirwa nezvidiki kana zvakashoreka zvacho. Unogona kutanga uchiroja usati wazovakawo imba yako.
Zvekuita: Tipe izwi rinopesana nerekuti doko/diki.
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey