Tsumo nemadimikira namukanya

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:
Chinobhururuka chinomhara.
Tsumo iyi yakatsanangurika. Inoreva kuti hakuna chinhu chisingapere. Kubhururuka kweshiri, kwehwiza, kwendege kana kwechinhu chipi zvacho kunosvika pakunopera kana chichinge chamhara.
Zvekuita: Imwe tsumo inoreva zvakafanana neiyi inoti: Chisingapere . . .

Mhinduro: chinoshura
* * *
Svondo rino:
Kumhanya hakusi kusvika.
Tsumo iyi inoreva kukosha kwezvinozoitika kumagumo. Nemamwe matauriro tsumo iyi iri kuti pakupedzisira munhu anomhanyisa kukunda vamwe vese haasiye anokunda kana kuhwinha. Nyaya iri kukosheswa mutsumo iyi ndeyekutora nguva uchiita chinhu chakanaka pane kumhanya.
Zvekuita: Pedzisa tsumo iri pazasi inoreva zvakafanana neiri pamusoro.
Mandikurumidze akazvara . . .
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links