Tsumo nemadimikira namukanya

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:
Zvikoni zvikoni, mimba haibve negosoro.
Tsananguro:
Zvikoni izwi rinobva pane rekuti kukona kana kukoniwa. Rinoreva kutadza kana kuramba. Saka pano pari kunzi zvimwe zvinhu zvakafanana nemimba hazvikwanisike kubvisika nyore. Itsumo inoreva kuti zvinhu zviri mukati memunhu hazvingobva kana kupera nyore.
Zvekuita: Tipe rimwe zita rinoreva zvakafanana nerekuti mimba.
Mhinduro: nhumbu/pamuviri
* * *
Svondo rino:
Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara.
Tsananguro:
Pane ruzivo rwuri pakavanzika rwunotoda vari pedyo-pedyo kuti vataure nezveruzivo irworwo. Mbeva inogara mumwena uri muvhu, kureva kuti mbeva nevhu zvine hukama hwakadzama.
Zvekuita: Mwana wembeva anonzi chii?
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links