Tsumo nemadimikira namukanya

31 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:
Matanda mazungunutswa, unosiya nerakaora.
Zvainoreva:
Zvimwe zvinhu zvinogona kutyisa ukange wakazvitarisa (matanda), asi ukazozvizama wobva waona zviri nyore. Kana uchiona danda unogona kuona serisingatangike, asi ukangorizunguza chete robva ratodonha. Saka hatifanire kutyira kure.
Zvekuita: Chii chinodya matanda kusvika aora?

Mhinduro: majuru/muchenje
* * *
Svondo rino:
Chakabaya chikatyokera.
Zvazvinoreva:
Kana munhu akabayiwa nechinhu munyama yake chobva chatyokera mukati, chinhu chacho chinenge chatyokera mukati hachikurumidze kubva, pamwe chinotorambiramo zvekuti chinozouraya. Saka tsumo iyi inotaura chinhu kana tsika iri mumumhu inonetsa kuregera.
Zvekuita: Kubviswa munzwa unenge wakubaya ukatyokera kunonzi kuita sei?
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links