Tsumo nemadimikira namukanya

03 Mar, 2020 - 12:03 0 Views
Tsumo nemadimikira namukanya

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Kugocha kunoda kwaamai, kwemwana kunodzima moto.

Zvainoreva:

Pane zvinhu zvekuti zvikaitwa nemumwe munhu zvinogamuchirwa, asi zvinhu izvozvo zvikazoitwawo nemumwe munhu hazvigamuchirwe.

Zvekuita: Kana huni dzikatsva panosara zvinhu zvichena zvinenge guruva. Zvinonzi chii?

Mhinduro: dota/madota

Svondo rino:

Mombe yetsiru manhenda waikama.

Zvainoreva:

Tsiru imombe isati yabereka. Manhenda izwi rinobva pane rekuti kutenda. Saka tsumo iyi iri kuti unozobvuma kuti une pfuma kana mombe isati yabereka yazobereka uye ikakupa mukaka.

Zvekuita:

Tsumo iyi yakafanana neinoti: Totenda maruva tadya . . .

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links