Tsumo nemadimikira namukanya

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Uswa hwenyati ndehuri pamuromo, huri mudumbu inofa nahwo.

Zvainoreva: Usavimbe nezvausina. Vimba nechaunoziva kuti ndechako, uye chauinacho.  Kufanana nehuswa huri pamuromo husati hwamedzwa, haufanane nehuswa hwatove mudumbu.

Zvekuita: Kudya huswa kunoitwa nemombe kana nemhuka kunonzi kuita sei?

Mhinduro: kufura

* * *

Svondo rino:

Guyu kutsvukira kunze, mukati muzere masvosve.

Zvainoreva: Chinhu chinogona kunge chichiratidzika sechakanaka kunze, asi mukati macho musina runako serwuri kunze. Guyu muchero unotsvukirira zvakanaka kwazvo kana waibva, asi kazhinji ukavhura mukati maro unowana muine masvosve.

Zvekuita: Pedzisa tsumo iyi: Hapana mukuyu unovinga . . .

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links