Kwayedza
Mhinduro yesvondo rapera:
Uswa hwenyati ndehuri pamuromo, huri mudumbu inofa nahwo.
Zvainoreva: Usavimbe nezvausina. Vimba nechaunoziva kuti ndechako, uye chauinacho. Kufanana nehuswa huri pamuromo husati hwamedzwa, haufanane nehuswa hwatove mudumbu.
Zvekuita: Kudya huswa kunoitwa nemombe kana nemhuka kunonzi kuita sei?
Mhinduro: kufura
* * *
Svondo rino:
Guyu kutsvukira kunze, mukati muzere masvosve.
Zvainoreva: Chinhu chinogona kunge chichiratidzika sechakanaka kunze, asi mukati macho musina runako serwuri kunze. Guyu muchero unotsvukirira zvakanaka kwazvo kana waibva, asi kazhinji ukavhura mukati maro unowana muine masvosve.
Zvekuita: Pedzisa tsumo iyi: Hapana mukuyu unovinga . . .
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007