Tsumo nengano namukanya

11 May, 2018 - 15:05 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

PANGUVA yesarudzo, Tsuro akaudza vanhu kuti, “Ndiri mwana wenyu. Ndiri kukumbirawo mavhoti enyu. Kana mukandivhotera, ndichakuitirai zvinhu zvizhinji kwazvo. Ndichapedza hurombo, ndichakuvakirai zvitoro zvine mabhawa nekukuisirai makombi mumigwagwa yenyu. Ndichakuisirai WhatsApp nekupa madzimai ese wivhi.” Vamwe vakafara, asi vamwe vakati “Mufarirei zvenyu Tsuro uyu, asi isu tinomuziva, tinotenda azviita.”

 

. Tsumo yacho: Totenda maruva tadya chakata.

* * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

PAAKAPEDZA chikoro, Chipembere akaenda kunotsvaga basa kuHarare. Basa rakanetsa kuwana, akatanga kugara neshamwari.

Shamwari dzake dzakazomudzinga nekuti akanga asingatenge kana chingwa zvacho. Chipembere akanogara kwasekuru vake kuChitungwiza. Ikoko aiswera akagara zvake. Mushure memwedzi mitatu, akabva atizirwa nemusikana wake.

Sekuru vake vakamuti, “Chipembere, handingarambe ndichikuchengeta iwe wakura kudai. Wava kufanirwa kuzvionera nekuti watokura. Chibva pano nemukadzi wako munozvionerawo mega.”

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey