Tsuro akanga asingagone kushambira

27 Sep, 2019 - 00:09 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa

RIMWE zuva Tsuro musango makaita moto zvekuti mhuka zhinji dzakatiza dzikanoyambuka rwizi. Tsuro akanetseka nekuti nyangwe zvake akanga akasvika parwizi, akanga asingagone kushambira.

Akamira kudaro, dzimwe mhuka dzaingouya dzichisvetuka dzoyambukira kumhiri dzichimusiya akati tumbi.

Tsuro akaona Dzetse mumvura achibva ati, “Dzetse, ndiyambutsewo rwizi nekuti ini handigone kushambira.”

Dzetse akaramba kubatsira Tsuro. Tsuro akacheuka akaona moto wave pedyo naye. Tsuro akadedera nekutya, achibva aona Hove.

Tsuro akati, “Mhoro Hove. Ndapota shamwari ndibatsirewo kuyambuka rwizi. Handigone kushambira, uyewo ndiri kutya kutsva nemoto watosvika uyu.”

Asi Hove akabva angopinda mumvura achibva aenda achisiya Tsuro achidikitira.

Tsuro akaona Garwe achibuda kubva mutsanga dzerwizi. Tsuro akashevedzera akati, “Garwe ndibatsirewo hama yangu ndigare pamusana pako undiyambutsewo rwizi ndisati ndatsva ndikafa.”

Garwe akaseka akati, “Ko sei wanga usingadzidzire kushambira nguva yese iyi? Kushambira kwakapusa. Tarisa uone zvaunongoita.”

Achiratidza Tsuro kuti anoshambira sei, Garwe akabva aenda achisiya Tsuro akagumbata.

Moto wakanga zvino wave pedyo naTsuro zvekuti dzimwe mvere dzake dzakanga dzatombotsva, dzave kunhuhwa.

Ipapo Tsuro akabva aona Mvuu achipinda mumvura asingambomhanya zvake. Tsuro akabva ati, “Mvuu, ndinzwirewo tsitsi mukuru wangu. Ndinokumbirawo kuti undiyambutse rwizi.”

Asi Mvuu haana kupindura Tsuro. Akabva atotanga zvake kuimba chimbo chekuti, “Yave nyama yekugocha . . .”

Zvino Tsuro akanga ave nechokwadi kuti ndipo pakaperera sarungano. Tsuro akamhanya uko nekoko ari pamahombekombe erwizi achitsvaga rubatsiro.

Achimhanya-mhanya kumahombekombe kudaro, Tsuro akaona kachikepe kadiki kakasungirirwa pamahombekombe. Tsuro haana kupedza nguva, asi akabva asvetukira mukati mekachikepe, achibva ahwanda mukati metswanda yaive nehove.

Moto pawakangosvika chete pahuswa hwepamahombekombe, vamwe sekuru vakabva vapinda mukachikepe kaye, vakatanga kukafambisa nechimuti vachienda kudivi rerwizi rakanga risina moto.

Kachikepe kasekuru vaye pakakasvika kune rimwe divi rerwizi kwakanga kusina moto, Tsuro akabva asvetuka kubva mutswanda yehove achibva atiza akananga musango.

Zuva rakatevera, Tsuro akadzokera kurwizi achibva atsvaga sekuru vaye. Akabva ati, “Sekuru nematambudziko?”

Sekuru vaye vakati, “Ndiani afa?”

Tsuro akati, “Mwanakomana wenyu afa mufunge.”

Sekuru vaye vakati, “Tsuro, chii chaitika kumwana wangu?”

Tsuro akati, “Ndaona Mvuu achimuruma neziromo rake riye, achibva atofa akayeredzwa nerwizi.”

Sekuru vaye vakatsamwa zvikuru zvekuti vakateya musungo ukauraya mwana waMvuu.

Zuva rakatevera Tsuro akatsvaga Mvuu akati, “Nematambudziko Mvuu.”

Mvuu akabvunza kuti, “Sei uri kundibata maoko? Ndiani afa?”

Tsuro akati, “Mwanakomana wenyu changamire wangu afa.”

Mvuu akashamisika pamwechete nekurwadziwa. Akabva ati, “Ndiwe here wamuuraya Tsuro?”

Tsuro akati, “Kwete, ini handina simba rekuuraya mwanakomana wenyu. Asi ndaona Garwe achimuuraya.”

Zuva rakatevera, Mvuu akatsvaga mwanakomana waGarwe achibva amuuraya.”

Chifumi chamangwana Tsuro akatsvaga Garwe akati, “Nematambudziko Garwe. Ndaona mwana wako achiurayiwa naHove zvekuti ndashamisika. Asi ukamutsvaga uchatowana ave chando.”

Garwe akashatirwa akapfachura mvura.

Garwe akapinda mumvura akaruma nekuuraya hove zvekuti paakazobuda dziva rese rakanga rangozara zvitunha zvehove zvakati yangarara.

Dzetse paakaona kuti mumvura maita rufu, akabva atiza akanotsvaga imwe nzvimbo yekugara.

Kudanana, kubatsirana, kunzwirana tsitsi nekuregerera kunovaka. Kubvuma kugumbuka nekutongwa nehasha nekutsividza kuita sungano naSatani. Nevasina mhosva vanoparara.

Share This:

Sponsored Links