Tsvimbo yedzinza haipiwi mutorwa!

13 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

ANONZI mabasa kuwanda, muzvere kurarira tsenza. Vanhu tichitarisa munhu achiita kunge akatakura hari izere dzungu.

Hana dzinoda kutsitswa mwaka uno, nokuti mukaramba muchingozvisekerera, munozoona zviya zvinotaurwa navanhu kuti kana pari parufu, “benzi” haridi kusekererwa nokuti zvinozokushamisai rave kuti, “Itai nharo, ndinorivhura bhokisi iri.”

Pamunenge muchifa nokuseka, anovhura zvechokwadi akatiza nechitunha. Munozosara mave kuti “mashura”, asi chitunha chaburitswa.

Ndizvo zviri kuonekwa naMukwende muZimbabwe kune vanoita zvematongerwo enyika vachitenderera kutsvaga rutsigiro. Vamwe vari kuvimbisa vanhu zvimwe zvinhu zvaunozvibvunza wega kuti, kunyange zvichinzi rume risinganyebi hariroore, asi izvi zvanyanya. Nhandare dzendege kuruzevha, zvitima zvinofamba kunge bara repfuti . . . Ko kungotaura chokwadi zvakaipei?

Nyaya yokuti vechiduku ndivo vave kufanirwa kutonga ichatiparira, kana kuti yatotiparira nechakare. Kana ukanzwa vatsigiri vomubato rako vave kuti zvanyanya, woziva kuti wapinda nomwenje mudziva. Unodzimaka!

Vamwe vari kuti kana mada kuti vechidiki vamboendawo panyanga, madii kutanga mavatsitsa hana, nokuti vangazofunga kuti vachatonga vanhu vemazera avo chete, nemazera epasi. Vanopihwa masimba iwaya nokuti vanogona kutaura chiRungu kana kutukirira. Tsika nemagariro omuZimbabwe havazvizivi zvakadzama, zvokuti vanhu vanogona kukutengeserai nhaka yenyu.

Mukwende ari kuti kuvatsigiri vebato reMDC-T, hongu makada kuti VaNelson Chamisa vatore chikundya chaVaMorgan Tsvangirai mushure mokunge vashaya muna Kukadzi. Makava nokurwirana kukuru, asi vana Mukwende takangotarisa tikati “adiwa usamuzvonde; adiwa iraki rake.”

Kunyange iri kodzero yavo, nhasi uno tave kubvunza kuti patinozosvika pamwongo wesarudzo, munhu wenyu anenge asati atopinda nomwenje mudziva here?

Tinodaro nokuti zvese zviri padundundu raChamisa, paari kunotsvaga rutsigiro, anoti nditsigei; asvika, oti nditurei. Ane dundundu rakaremerwa nezvokutaura, kunyange zvizhinji zvacho uchishaya musoro wazvo.

Kumunzwa achitaura kana kuverenga zvaanyora, kana kuti zvaanenge achinzi ataura, unozvibvunza kuti asi tadzoka pakunzwa ngano dzatsuro nagudo here?

Gamba renyika Herbert Chitepo akanyora detembo raakati “Soko Risina Musoro.”

Paunoteerera mutungamiri weMDC-T, unozvibvunza kuti zvaari kutaura zvinoshanda munyika ipi pasi pano? Kungosairira mashoko, chero vanhu vanzwa vakaombera nokupururudza.

Svondo rino vanhu vakazobvunza kuti chirudzii chokuti ave kutamba nemazita emagamba ehondo yeChimurenga, Dr Joshua Mqabukho Nkomo (Chibwechitedza), kunge zvinonzi une zera naDr Nkomo, kana kuti ndisahwira wake waanorerutsa zvakadaro?

Chamisa ave kuti mhuri yokwaDr Nkomo yakatoti inogona kumupa tsvimbo yenhaka (yavanoti “intonga”), nokuti zvaita sei? Achitaurira vatsigiri veMDC-T kuBulawayo musi weSvondo, Chamisa anoti akaenda kumba kwavo kuMatsheumphlophe kwatinoziva vamwe kuti yave “museum” ine zvinhu zvenhoroondo yeupenyu hwaDr Nkomo, bato reZAPU nemhuri yavo.

Nekahunhu kokuzvikudza, Chamisa anoti muchiRungu: “However, the family told me one thing, they said ever since the death of Dr Nkomo (1999), I am the first national leader to visit the house. They even offered to give me Dr Nkomo’s traditional sceptre (intonga).”

Vana vaDr Nkomo vopa tsvimbo yemhuri kumutorwa nokuti zvambonyanyoita sei?

Tsvimbo dzine chirevo chakakura muhunhu hwedu.

Panoshaya baba, kunyange pakave neupfumi hwakaita sei, vakuru vanenge vachida kuona tsvimbo inozopihwa nevanji womusha. Tsvimbo chombo chokurwisa, uyewo zvichibva nenzvimbo, tsvimbo yomusha inomirira zvakawanda – zvemhuri iyoyo chete.

Saka kana Chamisa achitaura kuti vana vaDr Nkomo vaitoda kumupa tsvimbo yababa vavo, tsvimbo yomudzinza ravo, ivo varipo zvinenge zvichirevei? Haisi tsvimbo yeZAPU, asi kuti itsvimbo yemhuri yokwaNkomo, kwete yekwaChamisa!

Kana chiri chokwadi, vana vaDr Nkomo vakange vave kuramba baba here, uyewo vakange vave kutambidza tsika namagariro avo kune imwe mhuri here?

KwaChamisa ndizvo zvavanoita here kuti tsvimbo yababa inongopihwa ani zvake, kunyange asiri werudzi irworwo – mutorwa?

Asi, sokutaura kunoita pepanhau reChronicle romusi weMuvhuro, mwanakomana waDr Nkomo, Sibangilizwe, anoti Chamisa haana wemumumhuri waakasangana naye, “unless he came here as a ghost.”

Anoti zvese zvetsvimbo manyepo, uyewo kuti hazvigone kuti vangaita mashura akadaro, uyewo kuti haisi nyaya yokuseka nayo. Sibangilizwe anotiwo: “It’s an abomination that he can talk cheaply about ‘intonga kababa’. That’s no ordinary stick, but it carries so much significance in terms of culture and tradition. It’s the property of our ancestors . . . In our African tradition, we do not offer ‘intonga kababa’ to anyone who is not a member of the family.”

Zita rokwaNkomo izita guru, asi munhu hautsvage mbiri nokupinda mumatare omusha wavo. Kana vachida kungokutsigira, vanokutsgira vasingatengesi nhaka yavo.

Munhu unogona kuzviita chiseko chenyika nechinhu chaunofunga kuti hachina maturo. Kutsvaga mbiri yechitsiga sokunokumbira zvirango zvoupfumi kuAmerica zvavakaita naTendai Biti naDewa Mavhinga muna Zvita gore rapera.

China manenji hachifambisi. System Tazvida akaimbawo: “Ndiwe wakazvikanyira wega; nyaya yako yokuzviita gamba.” Ndomabasa okuti nditsigei; nditurei, mabasa okushaya hana.

Share This:

Sponsored Links