Tsvimbo yehushe hwa1890, ine goridhe yoshaikwa

05 Sep, 2023 - 10:09 0 Views
Tsvimbo yehushe hwa1890, ine goridhe yoshaikwa VaInnocent Munemo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI inogara kwaMambo Masembura, kuBindura, inoti yatambura nekutsvaga tsvimbo ine ringi regoridhe yehushe hwaChipadze uho hwakagumisira kugarwa natateguru wedzinza ravoi mugore ra1890.

Dzinza rekwaMushonga Damberambe rinowanikwa kuBindura ndiro riri kutsvaga tsvimbo yatateguru wavo ainzi Mushonga Damberambe

Tateguru uyu anonzi akashaika panguva yakauya vachena muZimbabwe ndokusiya tsvimbo iyi kumwanakomana wake Bhamu.

VaInnocent Munemo (38), mwana waJulius Munemo avo vanovawo mwana waVaNoah Munemo, vanoti tsvimbo iyi iri kunetsa kuwana.

“Tsvimbo iyi yanetsa kuti tiiwane sezvo zvichinzi hushe uhu hunogona chete kugadzwa kana tawana tsvimbo yatateguru wedu Mushonga uyo akabereka mwanakomana wake Bhamu aine hanzvadzi yake yainzi Mwari. Bhamu ndiye anonzi akasiirwa tsvimbo iyi uyo aivawo akabereka vanakomana vake vanosanganisira Titus, Jani, Simon, Michael, Joni naNoah,” vanodaro VaInnocent Munemo.

Vanoti tsvimbo iyi, iyo inonzi iri kutadzisawo vemhuri yavo kugara zvakanaka, yakazosiirwa kuna Noah Mushonga uyo aingoziva payaigara oga pasina kutaurira vamwe vedzinza.

“Bhamu aingovanzawo tsvimbo iyi kusvikira akazoipa kune mumwe wevanakomana vake, Noah Munemo Mushonga, uyo akazoshaika mwedzi miviri yadarika pasina waakaratidza kwayaiva. Tsvimbo iyi inonzi ine goridhe uye yakavigwa mubako mune guva raBhamu pedyo negomo rakadziva kumugodhi weRan Mine (kuBindura),” vanodaro VaInnocent Munemo.

Vanoti Noah Munemo Mushonga akafa achinetsana nevemhuri vachida kuziva kuti tsvimbo iyi inowanikwa kupi.

VaInnocent Munemo vanoti tsvimbo iyi yakanzi inofanirwa kupihwa kwavari sezvo vachinzi ndivo vari kuteverwa nemweya watateguru wavo Mushonga.

“Kunofamba dzinza redu vanhu vari kutaurirwa kuti tsvimbo iyi inofanirwa kupihwa ini saka izvozvi ndatadza kuroora uye zvinhu zvangu zvose hazvifambe. Sekuru Noah vasati vashaika, vakavingwa nemhuri yose vachibvunzwa nezvetsvimbo iyi vakataura kuti yakavatiza ikaenda kumapako.

“Hatizive kuti chaiva chokwadi here saka tiri kutsvaga vanhu vanotibatsira tikwanise kuwana tsvimbo iyi,” vanodaro VaInnocent Munemo.

Vanoti kwavari kufambira hushe uhwu, vanonzi tsvimbo iyi inofanirwa kuwanikwa kuti vajekerwe nemafambiro avo.

“Hushe hwedu hunofanirwa kunge huchitonga dunhu rinobva kuChriston Bank kunobatana nerwizi Pote kunobuda kurwizi Mazowe, tichinobata kuMatepatepa nemuganhu neBushu, kuChiweshe. Uhwu hushe hwedu hwekwaChipadze hune tsvimbo iyi.

“Dzimba dziri kuda hushe uhwu dzinosanganisira yekwaMushonga naMakoni uye zvinotambanuka chete kana tsvimbo iyi yawanikwa,” vanodaro VaInnocent Munemo.

Vanoenderera mberi vachiti: “Mukutsvaga nyaya yetsvimbo iyi, takambobvunza muzukuru wedu mukuru Benard Bhamu akati haana ruzivo ruzere kunyangwe achiti anoziva kuti tsvimbo iyi ine payakavigwa. Tsvimbo iyi inonzi yakabva kuvadzimu yaita zvekudonha kubva mumuti wemuhacha inova nhema, iine bakatwa neringi regoridhe pakati,” vanodaro.

VaInnocent Munemo vanoti musharukwa asara mudzinza ravo anonzi VaChipadze avo vachembera zvekutadza kuziva.

“Ndinokurudzira vedzinza redu kwese kwavari kuti tibatane tironge nyaya yekuti tsvimbo iyi iwanikwe tikwanise kugara hushe hwedu zvakanaka,” vanodaro VaInnocent Munemo.

Share This:

Sponsored Links