Tsvimborume inofamba iri musvo pamberi paamai

21 Nov, 2022 - 07:11 0 Views
Tsvimborume inofamba iri musvo pamberi paamai Dare

Kwayedza

Danisa Masuku

KUVA uri musvo pamberi paamai vako kunotorwa sechinhu chinonyangadza zvikuru mutsika dzechivanhu, asi izvi zvinenge zvisina zvazvinoreva kuna Vusani Privilege Sibanda (37) wemumusha weSizinda, kuBulawayo uyo anofamba akashama amai vake varipo.

Uye pose amai vake pavanomubvunza, anovatuka nekuvarova.

Izvi zvakanzwikwa apo Mai Priscilla Sibanda vakapotera kudare reWestern Commonage Courts vachikumbira gwaro redziviriro kubva kumwana wavo.

Mumagwaro avo ari mudare, Mai Sibanda vanoti:

“Vusani Privilege Sibanda ari kundishungurudza nekuti pose paanonwa hwahwa anondituka pamwe nevazukuru vangu.

“Anovaudza kuti vabve pamba. Pane dzimwe nguva anofamba asina kupfeka pamberi pangu, uye ndava kutya kuti angazopedzisira andibata chibharo.”

Mai Sibanda vanoti pose pavanotsiura mwana wavo, anobva aita zvemhirizhonga achivarova uye achiti vanoroya.

Vanoti zvakare Vusani ari kuparadzawo midziyo yemumba.

Pamusoro pezvo, Mai Sibanda vanoti mwana wavo anogara achiti anoda kuzviuraya.

Vusani anonzi anonetsanawo nemukoma wake uye anomutyisidzira kuti achamugura-gura kumuita zvidimbu.

Mutongi Jeconia Prince Ncube vakapa Mai Sibanda gwaro redziviriro uye vakarambidza Vusani kurova nekutuka amai vake.

Vusani akarambidzwawo kuti asadzinge vazukuru vaMai Sibanda pamba pavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey