Turkey yobatsira nechikafu

30 Jul, 2020 - 12:07 0 Views
Turkey yobatsira nechikafu

Kwayedza

Heather Charema ari kuCHEGUTU

VAGARI vekuGadzema, kuChegutu, svondo rapera vakabatsirwa nezvekudya neveTurkish International Cooperation and Coordination Agency (TICCA) kuburikidza nemahofisi anomirira nyika yeTurkey muZimbabwe.

Vamiriri vemahofisi aya vave nemwedzi mina vachitenderera kunzvimbo dzakasiyana muZimbabwe vachipa vanhu zvekudya panguva iyo nyika ino iri kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mutungamiri weTICCA, VaAdam Wadi vanoti kubvira kutanga kwakaita Covid-19 muZimbabwe, mahofisi anomirira Turkey muno ari kubatsira mhuri dzinotambura nechikafu.

“Tatenderera mumatunhu ose eZimbabwe tichibatsira mhuri dzakasiyana-siyana kuti vawanewo cheuviri munguva ino yeCovid-19. Tinoshanda pamwe chete neHurumende yeZimbabwe zvakanaka uye tinotarisira kuramba tichienderera mberi nechirongwa ichi,” vanodaro.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vakawaniswa rubatsiro urwu avo vari kutenda zvikuru.

Jessica Meja anoti, “Tanga tisisina chekubata kumba uku saka tinotenda rubatsiro rwatapihwawo neTurkish Embassy nhasi urwu. Ndanga ndave kutopererwa nevana kuti zvino ndinovapei, kushaiwa kana mafuta ekubikisa kunyangwe munyu zvawo. Dzimwe nguva ndaitoshaya sipo yekuwachisa hembe.”

Share This:

Sponsored Links