UK yadzosa mamwe ‘maZimbo’ 9

12 Sep, 2022 - 14:09 0 Views
UK yadzosa mamwe ‘maZimbo’ 9 UK Flag

Kwayedza

Munyori weKwayedza

CHIMWE chikwata chezvizvarwa zvipfumbamwe zveZimbabwe chadzoswa kumusha kubva kunyika yekuUnited Kingdom.

Vanhu ava vakadzoswa nemusi weChina wapfuura.
Kudzoswa uku kwaitika pasina gore mushure mekusvika kwechimwe chikwata chevanhu 50 muno.

Kudzoswa munyika muno uku kunoreva kuti Britain yave kutenda kuti Hurumende yeSecond Republic yashandura nyika ino kuve yakachengetedzeka kuzvizvarwa zveZimbabwe izvo London inosungirwa kuzvidzora.

Chibvumirano chakanyoreranwa munaChikumi gore rapfuura chinotendera kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinodzorwa munyika muno zvizobatwa zvakanaka. Mutemo weUK Border Act unobvumira Hurumende yeBritain kudzosa chero munhu wekune imwe nyika anenge apara mhosva mushure mekupikira mutongo wake.

Vanhu vakadai pavanosvika muZimbabwe, vanobatsirwa kuti vabatane nemhuri dzavo uye kutanga upenyu hutsva sezvo mhosva dzavanenge vakapikira dzakaparwa kuBritain.

VaLivit Magejo vekubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika pamwe nekutengeserana pasi rose vanotsinhira nyaya yekudzoswa kwezvizvarwa zveZimbabwe zvipfumbabwe neBritain.

“Takatambira vamwe vanhu vapfumbamwe vakadzoswa uye vakatosanganiswa nemhuri dzavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links