Uncategorized

Ukarwadziwa neni haupore

21 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

PAIVE nenungu yakanga ichifamba musango ichitsvaga mwena wakanaka wekuti igare. Ichifamba kudaro, yakaita rombo rekuwana bako rakanaka uye risina kunyanya kukurisa kana kunyanya kuita diki.Nungu yakapinda mubako riye, asi yakabva yashamisika kuti bako iri rakanga riri imba yeimwe mhuri yenyoka. Nungu yakatura befu rekupererwa ichibva yati kumhuri yenyoka yaive mubako, “Hama dzangu, ndabva kure ndichitsvaga pekugara. Zvino ndanga ndafara kwazvo pandaona bako rino nekuti ranga randipa zororo nemufaro mumwoyo.

“Asi ndiri kuzviona kuti imi nyoka makanyatsodekara zvenyu muno. Zvino, ndine chikumbiro chidiki.

“Ndinokwanisawo here kuti ndingozviunganidza kuita kahata necheuko kune rimwe divi kwamakaisa miswe yenyu?”

Nyoka dzakati nungu imbomira panze dzichitaurirana. Mushure mekutaurirana, nyoka dzakabvuma kuti nungu ipinde mubako radzo.

Sezvo yakanga yave nguva yemanheru, nungu yakaombera ichibva yanozvipeta iri kudivi rayakanga yagoverwa mumba menyoka. Asi nungu payakazvipeta, minzwa yayo haina kuzvipeta. Minzwa yenungu yakabva yasimuka ichibuda kunze.

Nyoka dzakabva dzaona kuti dzakanga dzazviparira dambudziko guru chairo nekuti nungu yakanga iine mavato asingaite. Yaiti ikangoti rare-rare, yobva yati pindu, kunguru ichinobaya nyoka.

Mushure mekunge dzaona kuti bako radzo rakanga risisina rugare nerunyararo, nyoka dzakatanga kuzevezerana.

“Nyoka dzakazowirirana kuti dzitaure nenungu dziiudze kuti zvakanga zvisisaite kuti dzigarisane nayo.

Asi nungu payakapirwa dambudziko renyoka rekubaiwa neminzwa yenungu, yakabva yati kunyoka, “Haisi mhosva yangu kuti ndine minzwa.

“Pamakandigashira mukandipa pekugara maiziva kuti ndine minzwa. Saka hazviite kuti imi mandipedzera nguva yangu ndichitofunga kuti zvangu zvaita motanga kutaura nyaya yeminzwa yangu. Muri kuda kuti ndibvise minzwa yangu here?”

Nyoka dzakaita hasha dzikashinyira nekufutisa huro. Dzimwe dzaigona kusvipa dzakatanga kusvipira nungu.

“Asi nungu yakatonyanya kuzviunganidza kuti inyatsodziirwa.

Yakabva yati, “Imi nyoka musapedze nguva yenyu. Munoziva here kuti nyangwe hasha dzikawanda sei, hadzibike mazondo akaibva? Imi ndimi mune dambudziko neni, asi ini handina dambudziko nemi.

“Kana kugara kwangu mubako muno kuchikushaisai hope, zivai kuti ini hakusi kunditadzisa kurara.

“Saka madii mabuda zvenyu muno, moenda kunotsvaga kumwe kwekunogara murunyararo, kure kusina nungu?”

Nemashoko iwayo, nungu yakabva yavhara maziso ayo ichibva yatanga kuridza ngonono. Nungu dzawanda munyika yedu. Nungu dzinongozvifunga idzo chete kuti dai zvangu inini zvaita nyangwe zvichireva kubvutira bofu dhora raro.

“Nungu dzinoti dzakutadzira, dzoti, “Tsamwa uputike?” Nungu dzinoti kana dzabudirira kukuburitsa mubako rako, dzobva dzaenda paFacebook nepaTwitter kunoshamisira.

Ini ndiri kutsvaga munhu munyika yedu yazara mweya wekubayana senungu. Ndiri kutsvaga munhu anotya Mwari. Munhu anoziva kuti munhu munhu nevanhu. Ndiri kutsvaga munhu anondiparidzira Jesu nekuti ari kuda kuti ndigowana hupenyu husingapere kwete minana isingapere. Nungu dzawanda muZimbabwe zvekuti kana mumabasa nemachechi dziri kubaya vamwe kuti vabude.

Dziriko nungu dziri kutsvaga mapindiro mumba mako kuti idzo dzigosaramo nemurume kana mukadzi wako. Dziriko nungu dzinovhaira nekurwadzisa vamwe dzichiti, “Kana ukarwadziwa neni haupore.” Asi shoko rangu kwauri nungu rinoti, “Tsvaga Mwari pawakamurasira,” nekuti ipapo pauri kusiya Jesu, Jesu ari kusiririswa newe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey