Uku kuroya chaiko uku!

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

SVONDO rapera takaburitsa imwe nyaya inosuwisa pamwe nekushatirisa zvikuru — nyaya yemaporofita anonzi ari kushandisa weti yevanhu yakasanganiswa nemvura inogezeswa zvitunha kugadzira miteuro iyo yavanozopa vanhu vavanoshandira kuti vanwe kana kugeza.Kunwisa vanhu tsvina?

Muteuro werudzi urwu unonzi unobatsira kuti vanhu vawande pamasowe kana kuita vanhu mafuza anongotenda zvose zvose.

Maporofita ari kuita huroyi hwakadai anonzi anotengeserwa mvura inenge yagezeswa zvitunha kubva kumamochari ezvipatara zvakasiyana pamwe neimwe yavanowana kubva muvanhu vanenge vaiba parufu. Uku kutadza kuri pachena nekuti kana munhu ave kunwiswa mvura inenge yagezeswa zvitunha yakasanganiswa neweti hazvina kumbosiyana nehuroyi.

Kana iko kuda mbiri kwacho, izvi zvazonyanya uye zvinokonzerwa nenyaya yekuda kuita mukurumbira nekukara mari.

Chinonetsa ndechekuti vanhu vari kunwiswa tsvina iyi vanenge vasina ruzivo rwezvinenge zvichiitika sezvo tarisiro yavo inenge iri pakuda kubatsirwa matambudziko anenge akatarisana navo.

Nyaya iyi inopawo chidzidzo kune veruzhinji kuti vasangovimba nevose vanozviti maporofita nekuti vakawanda vacho ndevenhema uye izvi zvinoonekwa kuburikidza nemabasa avo.

Hakuna muporofita ane mweya waMwari wezvokwadi anonwisa vanhu muteuro wemvura yezvitunha yakasanganiswa neweti.

Mvura inenge yagezeswa chitunha inenge iine tsvina pamwe neutachiona hunokanganisa utano hwemunhu anozoinwa.

Chokwadi nezvirwere zvehuchapa zviriko mazuva ano izvo zvinosanganisira zvemanyoka secholera, ndipo powoona mumwe anozviti muporofita achinwisa vanhu muteuro wemhando iyi?

Zvakawanda zviri kuitiswa vanhu nevamwe vanozviti maporofita zvekuti zvimwe zvacho ukazvinzwa zvinotorovesa hana.

Nguva yadarika, Kwayedza yakaburitsa nyaya yemumwe mudzimai uyo anoti akanwiswa muteuro waive wakasanganiswa nemabori embwanana yakange isati yave kuona achinzi ndokuti abate pamuviri.

Chinorwadza panyaya iyi ndechekuti mudzimai uyu anoti ndiye akatotsvaga mabori embwanana aya neshungu dzekuti abate pamuviri apo asina kuzobata zvisinei kuti ainge atevedzera zvose zvaakange anzi aite nemuporofita uyu.

Veruzhinji havafanire kungotenda zvose zvavanoudzwa nevanozviti maporofita kana n’anga. Vamwe vanhukadzi vari kusvika pakubatwa chibharo vachinzi vanenge vachiuchikwa kuti vabate mimba.

Chinoshamisa ndechekuti zvisinei nekuwanda kuri kuita nyaya dzemaporofita ari kunyengedza vanhu, kune vamwe vanoramba vachingowira mumusungo mumwe chete.

Regai vakuru vazoti kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira. Masangano anomirira vanachiremba vechivanhu vanosanganisira maporofita nen’anga anofanira kutora matanho ekuranga nhengo dzawo dzinotsaudzira sezvakaita sekushandisira vanhu muteuro wakasanganiswa neweti nemvura yezvitunha.

Share This:

Sponsored Links