UN yotenda vanhukadzi ‘. . . muri pamberi kurwisa Covid-19’

08 Mar, 2021 - 17:03 0 Views
UN yotenda vanhukadzi  ‘. . . muri pamberi kurwisa Covid-19’ Mai Maria Ribeiro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reUnited Nations (UN) rinorumbidza mabasa ari kuitwa nevanhukadzi mukurwisa chirwere cheCovid-19 sezvo vakawanda vari ivo vari pamberi muhondo iyi.

Izvi zvakataurwa nezuro muHarare pachirongwa chekucherechedza zuva remadzimai reInternational Women’s Day.
Bazi rinoona nezvemadzimai, nharaunda nekusimudziswa kwevanoita mabasa emaoko rakabatana nemamwe mapoka anotsigira vanhukadzi kucherechedza zuva iri.

Dingindira rezuva iri gore rino rinoti, “Women in leadership: Achieving an equal future in a Covid-19 world”.
Mhemberero idzi dzakaitwawo kumatunhu akasiyana enyika apo vamwe vakasangana padandemutande nechinangwa chekudzivirira kutapurirana chirwere cheCovid-19.

Zuva iri rinocherechedzwa pagore nechinangwa chekususukidza kodzero dzevanhukadzi uye kusimudzirwa kwavo munyaya dzeupfumi pamwe chete nekurwisa mhirizhonga dzavanosangana nadzo.

Mai Maria Ribeiro, avo vanova murongi kuUN, vanotenda gurukota rezvemadzimai, Dr Sithembiso Nyoni nechirongwa ichi vakati chinosimudzira madzimai uye vanowana mikana yekukurukura nhunha dzavo pamwe chete nenyaya dzebudiriro.

“SeUN, tinotenda madzimai ose nevanasikana vemuZimbabwe nekuti ndivo vashandi vepamberi mukurwisa chirwere cheCovid-19. Ndivo vanopepa varwere, varongi nevasimudziri panguva yakaoma kudai,” vanodaro Mai Ribeiro.

Vanoti dingindira regore rino rakakosha zvikuru apo rinotaura pamusoro pekurwisa Covid-19 pasi rose.

“Panguva iyo tiri kuedza kupukunyuka kubva kuchirwere ichi, kune mikana yakawanda inogona kunyuka kuti tinge tichiumba remangwana redu uye nyaya dzekuenzaniswa kwemikana. Tinoda kuti madzimai akawanda ave nezvigaro zvepamusoro uye pave nekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume,” vanodaro.

Vanoti kuuya kweCovid-19 munyika muno kwaona madzimai achideredzerwa apo ari kuomerwa neupenyu izvo zvabva zvakonzera mutsauko munyaya dzebudiriro pakati pevanhukadzi nevanhurume.

Ongororo yakaitwa nesangano reWHO inoratidza kuti chikamu che41 percent chevanhu vane chirwere cheCovid-19 munyika dziri muAfrica madzimai.

Zvakaonekwa zvekare kuti madzimai ndivo vakawanda pavashandi vepamberi mukurwisa Covid-19 munharaunda.

Bumbiro remutemo reZimbabwe iro rakaumbwa muna2013 rinotarisa nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevarume. Kodzero iyi inotarisa zvekare kuti madzimai ange achiwaniswawo mikana yakaenzana munharaunda kusanganisira zvigaro zvepamusoro nekupawo pfungwa dzavo.

Share This:

Sponsored Links