Uncategorized

UNDP yakapa $500 000

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
UNDP yakapa  $500 000 Cyclone Idai yakasiya yaparadza migwagwa kuChimanimani nekuChipinge

Kwayedza

Philipa Chinhoi-Mukome
SANGANO reUnited Nations Development Programme (UNDP) muZimbabwe rakabatsira vanhu vakawirwa nenjodzi yemafashamu emvura yaive nedutumupengo, Cyclone Idai, kuManicaland nemari inosvika $500 000 zvichitevera kuparadza kwakaitwa dzimba dzavo, zvipfuyo nemidziyo zvose neminda.

Mumiriri weUNDP muZimbabwe, VaGeorge Van Montfort, vanoti shungu dzavo ndedzekuti mhuri idzi dzitange upenyu hutsva.

“Chinangwa chedu ndechekuti vanhu vatangise kusimudzira upenyu hwavo patsva uye ticharamba tichishanda nemamwe masangano mukubatsira,” vanodaro.

Mafashamu aya akakonzera kufa kwevanhu nekuparadzwa kwezvivakwa nemidziyo muZimbabwe, kuMozambique nekuMalawi.

Sangano reUNDP rinotenda rubatsiro rwakabva kune nyika dzinosanganisira Denmark, Germany, Luxemburg, Norway, Portugal, Republic of Korea, Slovak Republic, Sweden neSwitzerland.

Share This:

Sponsored Links