Une chikosoro? …gara hako kumba …chaya nhare 2019

26 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Une chikosoro? …gara hako kumba …chaya nhare 2019

Kwayedza

Tandayi Motsi
BAZI reutano nekurerwa kwevana riri kukurudzira vanhu vose vane zviratidzo zvakafanana nezvechirwere cheCovid-19 sechikosoro, dziwa nekunetseka pakufema kuti vagare kudzimba senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Kurudziro iyi iri kupihwa panguva iyo vanhu vari kuvhenekwa vachiwanikwa vaine Covid-19 vari kuwanda.

Musi wa20 Kurume gore rino ndipo paonekwa munhu wekutanga aine Covid-19 muZimbabwe. Asi kusvika nemusi weChipiri chino, varwere ava vakwira kusvika 525 uye 64 vavo vakatonaya kuchiti vamwe vatanhatu vakafa.

Nemusi weChitatu svondo rapera bedzi, vanhu 62 – vakawanda vavo vainge vabva kunze kwenyika – vakawanikwa vaine Covid-19.

Chirwere cheCovid-19 chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus uye pasi rose hakusati kwava nemushonga unochirapa.

“Vanhu vane zviratidzo zvakada kufanana nezvechirwere cheCovid-19 zvinosanganisira kunzwa kupindwa nechando, chikosoro nekunetseka pakufema kana kuti kuzarirwa vanokurudzirwa kuti vagare kudzimba uye kuti varidze nhare kune vanoona nezveutano panhamba dzinoti 2019 kana kuzivisa chiremba wake kuti vabatsirwe,” rinodaro bazi iri.

Zvimwe zvezviratidzo zveCovid-19 zvinosanganisirawo kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kutemwa nemusoro, kurwadziwa nepahuro nekukosora munhu achichururuka dziwa.

Zviratidzo izvi zvinotanga zviri zvishoma asi zvichizowedzera nekufamba kwenguva uye zvinogona kutora upenyu hwemunhu.

Senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19, vanhu vari kukurudzirwa kuti vapfeke mamasiki kana vachienda panzvimbo dzine veruzhinji, kugeza maoko nesipo nemvura inochururuka uye kusaita chitsokotsoko.

Dziviriro huru inonzi kugara kumba.

Vezveutano vanokurudzirawo veruzhinji kuti kana vachikosora kana kuhotsira, vakosorere pasi pegokora kana muhapwa uye kuti vasiye katsika kekubata kumeso nemaoko asina kugezwa.

Coronavirus inogona kupinda mumuviri memunhu nepamuromo, mumhuno kana nemumaziso.

Share This:

Sponsored Links