Ungadzivirira sei kubatira HIV?

13 Jan, 2022 - 11:01 0 Views
Ungadzivirira sei kubatira HIV?

Kwayedza

KANA uchirarama nehutachiona hweHIV, chinhu chikuru chaunofanira kuita kudzivirira kutapurira hutachiona uhu nekugara uine utano hwakanaka uye nekutora mushonga (antiretroviral therapy kana kuti ART) nguva nenguva sezvakatarwa neveutano.

Vanhu vanorarama neHIV vanotora mushonga weHIV zuva nezuva sezvakatarwa uye ropa ravo richigara richiongororwa richionekwa kuti rine hutachiona hushoma here uye kuti havana njodzi yekuparadzira HIV kuvadikani vavo vasina hutachiona uhu.

Kana usina HIV, une nzira dzakawanda dzekudzivira kutora hutachiona uhu.

Kushandisa makondomu: Makondomu anoshanda zvikuru mukudzivirira HIV kana ukamashandisa nemazvo nguva dzose paunoenda pabonde. Dzidza zvakakwana kushandiswa kunoitwa kondomu rechirume kana rechikadzi.

Deredza huwandu hwevanhu vaunosangana navo pabonde: Izvi zvinoderedza mukana wako wekuwana mudikani ane HIV anokwanisa kukutapurira.

Kuwanda kwevanhu vaunosangana navo pabonde ndiko kukura kwemukana wekuti mumwe wavo anogona kukupa hutachiona sezvo vamwe vacho vaine ropa rine hutachiona hwakawanda.

Taura nachiremba wako nezvePrEP (Pre-exposure prophylaxis) anove mapiritsi anonwiwa zuva nezuva anoderedza mukana wekuti ubatire HIV.

Ukatorwa zuva nezuva, mushonga wePrEP unomisa HIV kuti isagara nekupararira mumuviri mako.
PrEP inobatsira kana uine mudikani wako ane HIV uye muchidanana zvekuenda kumberi.

PrEP inoda kushandiswa kana usiri murudo nemunhu mumwe chete asina hutachiona, usingashandise makondomu pakusangana nevamwe vadikani vausingazive pavamire panyaya yeHIV uye vaine mukana mukuru wekuti vangave nehutachiona.

Tora mushonga wePrEP mumaawa 72 mushure mekusangana nemunhu waunofungira kuti ane HIV. Post-exposure prophylaxis zvinoreva kutora mushonga weHIV mushure mekusangana nemunhu ane hutachiona senzira yekudzivirira kubatira HIV.

Kana usina HIV kana kuti usingazive kuti unayo here kana kuti hauna uye uchifungira kuti une wasangana neane HIV, (semuenzaniso, kondomu roputika panguva yebonde). Taura nemunhu wezveutano nezvePrEP ipapo kana mumazuva matatu.

Kukasira kwako kutora PrEP, ndiwo mukana wakowo wekusabatira hutachiona nekuti kufamba kwenguva kunokuisa panjodzi yekubatira hutachiona.

Kana ukanzi unwe mushonga wePEP, unofanira kunwa kamwe chete kana kaviri pazuva kwemazuva makumi maviri nemasere (28).

Voluntary Medical Male Circumcision: Tsvakurudzo yakaitwa inoratidza kuti kuchecheudzwa kunopa vanhurume mukana wekusabatira hutachiona kupfurikidza nekusangana nemunhukadzi pabonde zvinoita kuti ive imwe yenzira dzakakosha pakuderedza kupararira kweHIV.

Zvakaonekwa nanamazvikokota kuti kuchecheudzwa kunoderedza mukana wekubatira hutachiona nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana (60 percent).

Ongororwa nekurapwa zvimwe zvirwere zvepabonde uye kukurudzira mudikani wako kuti aite zvimwe chete.

Kana uchiwanzoita zvebonde nguva zhinji, ongororwa kamwe chete pagore.

Kuva nezvimwe zvirwere zvepabonde zvinokuisa panjodzi yekutora kana kuparadzira HIV.
Zvirwere zvepabonde zvinokanganisa utano kana zvikagara zviri pamunhu kwenguva ndefu.

Kana usina HIV asi mudikani wako ainayo, kurudzira mumwe wako kuti apihwe mapiritsi uye kuti arambe achimanwa.

Kana akatorwa zuva nezuva sezvakatarwa, mapiritsi eHIV (ART) anoderedza huwandu hwehutachiona muropa (viral load) zvakanyanya.

Vanhu vane HIV vakatora mapiritsi avo nemazvo vanogara ropa ravo riine hutachiona hushoma uye vaine utano hwakanaka.

Share This:

Sponsored Links