Uncategorized

Ungazive pancake asi usingazive nhopi?

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
NDAKANGA ndiri kune chimwe chikoro ndichibatsira vana kuti vadzidze ChiShona — kuverenga kwakanaka, kuziva zvinoreva mazwi, pamwechetewo nekuti mazwi anotaurwa sei?Mazuva ano mamwe mazwi eChiShona ave kutaurwa zvekuti unotonetseka kuti ChiShona here kana kuti mumwewo mutauro wekune imwewo nyika?

Vana vedu havasi kuziva zvinoreva mazwi mazhinji erurimi rwamai. Kana vaverenga, havazoziva kuti “gurwe,” “gotokoto,” kana kuti “gavamwedzi” chii.

ChiShona chiri kubvinza, chiri kufa, chiri kupera. Chinorwadza ndechekuti tiri kuda kuti vana vedu vataure chirungu, vazivisise chirungu asi rurimi rwamai rwove chinhu chinovachemedza.

Asika, kutaura nekuziva chirungu hakutiite varungu. Pane mumwe mwana weshoroma akaenda kuchikoro kuAmerica. Asvikako chirungu chaaikuma kumba kwavo achifunga kuti ndiko kurungurika, chakaramba kushanda. KuAmerica vakamuita kuti azive kuti haasi muAmerican.

KuAmerica ikoko vakanga vasingade kuziva zvechirungu zvaaita, vaida kumuziva iye semunhu mutema. Vaida kuziva zvinoreva zita rake rechivanhu, vaida kuziva mutupo wake. Vakamubvunza chikafu chechivanhu chaaiziva, akanyara zvikuru nekuti akanga achingoziva kuti vamwe vanhu vanodya sadza, asi iye asingazive kuti rinobikwa sei.

Vamwe vekuAmerica vakanga vasingade kuziva murungumutema — asi vaida kuziva munhu wekuAfrica akanga abva kuAfrica. Mwana wembozha uyu paakazodzoka kubva kuAmerica, mafungiro ake akanga ashanduka kwazvo. Akanga ave neshungu nemutauro wake, nekudya kwechivanhu, nenhoroondo yenyika ino.

Regai ndidzoke kunyaya yekuchikoro kwandaidzidzisa rurimi rwamai. Kuchikoro uku ndakaona kuti mabhuku echirungu akanga akawanda kudarika eChiShona. Ndakaonawo kuti kana yave nguva yekuverenga chirungu, vana vaichiverenga vachinge vari kutaura nehama yepedyo. Asi mamwe mabhuku avari kuverenga akandinetsa kuti ari kutaura nyaya dzaani, uye ndidzo here nyaya dzekuti vana vedu vakudzwe nadzo?

Kana vana vedu vaverenga nyaya idzodzo vachazopembedza zvedu here kana zvevarungu. Ndakaona kuti tave kudzokera kunyaya yakambotaurwa naKarl Marx kuti vane mari ndivo vane simba rekuti vasina mari vaite zvavanoda.

Rimwe bhuku rakanga richiverengwa nevana rakanga rakanzi “The Maid Wins a Prize.” Nyaya iri mubhuku umu ndeyekudya kwevarungu kunonzi pancake. Vanhu varimo vari kuita makwikwi ekuratidzana hunyanzvi hwekupindura mapancake vachiita ekukanda mudenga, kana odzika voagamha mupani.

Ichokwadi kuti chinhu chakanaka kuti vana vazive kudya kwedzimwe nyika, tsika dzeko nezvimwewo. Asi kana tikaziva nezvekuti varungu vanobika mapancakes, isu tisingazive kuti nhopi inobikwa sei, tinenge tichiri vanhu here? Mwari vakasika vanhu vakavapa mitauro neruzivo rwakasiyana-siyana. Saka tese tikapera kuita varungu ko achazopembedza mabikiro edu ndiani?

Tine kudya kwedu kwakawanda. Oliver Mtukudzi akaimba zvemabumbe anonaka kunge nyama. Uriko mubowora unonaka zvekukaka tsinga dzemukanwa kana ukange uri mudovi.

Tiripo padovi ipapo kana ukadya sadza rine chimukuyu chiri mudovi unogona kurotomoka nekunakirwa. Icho chidokohori chinonaka wani. Ishwa, majuru, hohwa, tsine, rhudhe kana nyevhe, mbambaira yekugocha, mufushwa wehohwa, derere nezvimwe zvakawanda zvinozipa ndizvo zvedu zvatinofanirawo kuti tibike, tinyore nekudzidzisa vana.

Hapana kushamisira kana uri zvausiri.

Tinofunga kuti tiri varungu asi varungu vanoziva kuti tiri vanhu vatema vari kuyedza kuita sevarungu asi hatife takanzi varungu. Dada nezvako. MuBhaibheri, Samson akauraya vaFiristiya neshaya yembongoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey