Uncategorized

‘Unoendepi? Dzokera kumba’

03 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
‘Unoendepi? Dzokera kumba’ Mapurisa achimisa motokari pamwe nekudzosera dzimwe kudzimba idzo dzaida kupinda muguta reHarare dzichibva kuChitungwiza nezuro mangwanani. — Mifananidzo naPatrick Shamba

Kwayedza

Tandayi Motsi
MAPURISA nemusi weChipiri chino vakatora matanho ekusimbisisa chirongwa chekuti veruzhinji vasangofamba-famba zvisina tsarukano senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19 kuburikidza nekudzosera kudzimba veruzhinji avo vasina magwaro akakwana ekufambisa vaive mumabhazi eZupco pamwe nevedzimotokari vaiedza kupinda muguta reHarare.

Zimbabwe kusvika pari zvino yave nevanhu 203 vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus hukonzera Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Ongororo yakaitwa neKwayedza inoratidza kuti muHarare hamusi kupindika nyore sezvo mapurisa ari kumisa vedzimota nemabhazi mumigwagwa yose inopinda muguta guru iri uye vachidzosera kudzimba avo vanowanikwa vasina magwaro akakwana ekuti vafambise sezvinotarisirwa pasi pemutemo.

Zvichakadai, munyori mukuru kubazi rezvekufambiswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, VaNick Mangwana, vanoti: “Hurumende haisati yataura nezveshanduko maringe nemutemo wekuti vanhu vasafambe zvisina tsarukano (Lockdown Regulations). Tichiri padanho reLevel 2 lockdown uye vakatenderwa kuti vashande munyaya dzeupfumi vanofanirwa kuenderera mberi nekushanda.”

Vanoti mapurisa ari kungosimbisisa bedzi kuti mitemo yakatarwa pasi peLevel 2 lockdown itevedzerwe nemazvo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>