‘Unofa rinhi, vamwe vako vapera’

03 Mar, 2020 - 01:03 0 Views
‘Unofa rinhi, vamwe vako vapera’

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

MURUME harahwa anoti ashaiswa rugare nemuvakidzani wake uyo ari kumupumha huroyi achiti sei isiri kufa sezvo vamwe vezera rake vakapera kufa.

Nicholas Gumbo akamhan’arira Christine Kamudzimu kuHarare Civil Court achiti ane tsika yekutumira vanhu kuti vamutyisidzire uye vamwe vacho vanotumira mashoko panhare yake vachimutuka.

Mutongi Gladis Moyo akapa Gumbo gwaro rinomuchengetedza.

“Musikana uyu anonditukira kushaya mazino kwangu, handizive kuti kuchembera imhosva here yekubva watonzi uri muroyi nekuti hausi kufa.

“Zviri kundirwadza zvisingaite zvekuti handichakwanisa kuenda kana kusvondo kwandinopinda nekuti handichazive kuti vanhu vanofungei kana vachindiona,” anodaro Gumbo.

Anoti Kamudzimu ari kuedza nepose paanogona kusvibisa zita rake sezvo vamwe vanhu vemunharaunda vave kutotenda kumashoko aari kushambadza pamusoro pake.

“Pekutanga ndakambofunga kuti kuda akadhakwa, asi katove katatu achishevedzera mashoko asina kunaka pose pandinopfuura nenzira iri pedyo nepamba pavo,” anodaro.

Kamudzimu haana kuenda kudare kunopawo divi rake panyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links