Uncategorized

Unoionawo sei . . .? Unoionawo sei . . .? KUCHENGETESA MUBEREKI KU‘OLD PEOPLE’S HOME?

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Unoionawo sei . . .? Unoionawo sei . . .? KUCHENGETESA MUBEREKI KU‘OLD PEOPLE’S HOME? Bishop Cuthbert Nyaruvenda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
“NDAKAUNZWA pano nevana vangu gore rapera vachiti ndizochengetwa pano asi ndigere hangu zvakanaka — ndiri kuchengetwa fani. Chikafu tinopihwa kana kugezeswa vanotigezesa chaizvo vasikana vepano. Vane chido zvikuru. Vana vangu vanopota vachizondiona nekundiratidza zvizukuru zvangu, chimwe chakatoberekwa iwo mwedzi wapera uyu saka vakazondiratidza kekutanga,” vanodaro Gogo Kachembere avo vakaendeswa nevana vavo kumumwe musha unochengeta vanhu vakwegura uri muHarare.

Pamusha uyu, pane chembere neharahwa — vamwe vacho vanobva kunze kwenyika sekuMalawi, South Africa nekuMozambique — avo vari kuchengetwa. Vamwe vevanhu ava vatove nemakore gumi kana kudarika vachipepwa nekuchengetwapo.

Musha uyu handiwo bedzi muZimbabwe uri kuchengeta vanhu vakwegura. Yakawanda. Dzimwe dzechembere neharahwa dziri kuchengetwa mumisha iyi varwere neavo vakura zvekusakwanisa kuzvibatsira kana nechii zvacho.

Vamwe vanodyiswa chikafu, kugezeswa, kupfekedzwa nekuendeswa kunozvibatsira kuchimbuzi. Ibasa guru kuriritira mubereki asiri wako.

Zvinobva zvaunza mubvunzo unoti, pachivanhu, zvinoita here kuti baba kana amai ambuya kana sekuru vakwegura vaendeswe kunochengetwa kumisha inozivikanwa nekunzi “old people’s homes”? Iwe mwana wotosara uchisasana, uchidya chikafu chichidzika uri kumba kwako apo amai kana baba vachichengetwa neasiri mwana wavo wekubereka?

Zvinonzi kana munhu akurisa anodzokera kuita mwana mudiki kureva kuti anenge oda kuriritirwa semwana. Ko inga mwana haanotasvagirwa kwekugara wani kana achiri mudiki — asi anotoda kuriritirwa? Ko sei chembere? Imari here inotuma vana kuita izvi? Kana kuti kusada kunetswa?

Kuita uku kunobatanidza mhuri here? Ko vamwe zvavanoti kana munhu wechikuru akafa vanototi varasikirwa “nemumvuri” wani? Pane pekuti mhuri ine mubereki anochengetwa kumusha unochengetwa vakwegura inopota ichinosuma zvinhu zvemusha here kumukuru uyu kana pane zvanetsa kana kuti zvinoda kuitwa?

Mibvunzo yacho mavhu nemarara.

Kwayedza svondo rino yaita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana avo vanopa maonero avo pamusoro penyaya yekunochengetesa mubereki kana mumwe munhu akwegura kumisha inochengeta chembere.

Sekuru Demiyara Kananga (35), avo vanova murapi wechivanhu, vanoti zvakanaka chose kuti chembere dziendeswe kumisha iyi kuti dzinoyanana nevemazera adzo.

“Munhu akwegura anofanira kuitirwa zvaanoda nekuti kune vamwe vanambuya nanasekuru vanotosarudza voga kuti ndiendesei ku’old people’s home’ ndinozorora hangu sezvo vanenge vasingadi zvekugara vakakombwa nepwere.

“Vanhu vakwegura vane zvinhu zvakawanda zvavanoda izvo zvinogona kutadza kuzadzikiswa nevana kana hama mumhuri asi vachikwanisa kuzviitirwa mumisha inochengetwa chembere. Zvinhu zvakaita sekugezeswa, kuwachirwa zvipfeko zvemukati, kudzidziswa mararamiro avo sevakweguru nerwumwe rutsigiro,” vanodaro.

Kuchiti Bishop Cuthbert Nyaruvenda vanotungamirira Sangano Dzvene Ravapositori Apostolic Faith Church vanoti munhu akwegura anofanira kuchengetwa nevedzinza rake kusvikira pakufa.

“Hazvina kunaka kuti amai vako kana baba vaende kunochengetwa kuma’old people’s home’ nekuti chivanhu chedu kana shoko reMwari rinoti remekedza baba vako namai vako kuitira kuti mazuva ako ekurarama awedzerewe panyika. Haufi wakawana maropafadzo kana iwe uchirara muzimba rinodhura asi vabereki vako vachikanga waya,” vanodaro Bisho Nyaruvenda.

Mai Maria Tangirai (59) vanoti ingozi huru kuendesa vabereki kuti vanochengetwa kumisha inochengetwa vakwegura.

“Old people’s home izita rechiRungu kureva kuti hazvina kugadzirirwa isu vatema asi vaRungu. Isu tine midzimu nechivanhu chedu saka zvinoyera kuti tiendesa vabereki kumisha iyi nekuti chiga chedu chinoti tinofanira kuchengeta vabereki vedu kusvika kumagumo eupenyu hwavo. Ko kana vakarwara kana kufa variko vanoonekwa kana kuvigwa nani? ChiRungu chakauya nechirungurira, ngatiitei zvedu vatema kwete kuvhengedzera pachiRungu chisiri chedu,” vanodaro.

Vanoti ivo vanotomuka ngozi chete kana vana vavo vakavaendesa kuti vanogara kumisha inochengetwa vakwegura.

Sekuru Brighton Gopo (39) vanova murapi wechivanhu vanoti makare kare vakwegura vaiendeswa kunogariswa kuninga kana vachinge vaonekwa kuti havachakodzeri kugara mumusha nekuda kwekuchembera.

“Kuninga ikoko, vazukuru vaive nemukana wekuendako vachinovaraidza nekuudzwawo ngano, saka paiva nekubatana mudzinza. Zvasiyana nekuma’old people’s home uko vanhu vanongonosiya chembere yavo vobva vangoita museve waenda neuma vachiti zvipedzerana nevanochengeta. Chavo bedzi kubhadhara mari.

“Vazhinji vanotovigwa nevatorwa kumarinda asina kana hama dzavo vobva vangorova. Kunenge kutoramwa kana kurasirira mubereki,” anodaro.

Vanoti kunochengetwa vachena vakwegura kuri nani nekuti vanochengetwa zvakanaka kuburikidza nekuwaniswa machiremba, chikafu nepekurara pakanaka uye kuitiswa mitambo inosimbisa muviri.

Kwayedza yakashanyira mimwe misha inochengetwa vakwegura ndokuona kuti vari kuwaniswa pekugara pakanaka uye kudya, zvisinei nekuti pamwe pacho kunomboita kushoma sezvo misha mizhinji ichipona nerutsigiro rwevane tsiyo nyoro.

Mumwe mushandi wepane mumwe wemisha iyi – uyo watisingakwanisi kudoma zita rake nekuda kwemitemo yebasa rake – anoti: “Chikafu chinombonetsa kana vatsigiri vakambomira kutipa nekuda kwezvikozero zvakasiyana zvichienderena nemamiriro anenge akaita zvinhu munyika. Pamusoro peizvi, vanasekuru nanambuya vanomborwara sevanhu vakura zvekuti tinomboshaya motokari dzekuvatakura kuti vaende kuzvipatara nekudaro mikana yekufira pano yakati wandei.”

Paakabvunzwa maringe nenyaya yekuti vanombopawo here mikana yekuti vanasekuru nanambuya vawanewo vadikani vepamwoyo, akarambisisa.

“Pano tine mutemo wakangofanana nekuchikoro, handiti vanhu ava vakauya kuzochengetwa vachitaura matambudziko avo? Saka ndiwo bedzi atinogadzirisa. Kana tikavapa mukana wekuti vadanane tinenge tava kuwedzera mamwe matambudziko nekuti pacha nyuka zvirwere nezvimwe.

“Pano kana 6 dzemanheru dzikangochaya, tinovhara magedhi hatimirire munhu anenge ari kunze nekuti zvinounza matambudziko. Chembere dzinoda kuchengetedzwa zvakasimba nekuti kana vakarasika kana kutsikwa nemota kunze uko, mhosva inodzoka kwatiri,” anodaro.

Asi mumwe mudzimai wechidiki akangoda kuzivikanwa saamai vaBrenda anoti: “Amai vaani, vangu? Kunochengetwa neasiri mwana wavo ini ndiripo? Ndotodya sadza nenyama richidzika ivo amai vangu vachichengetwa nemumwe munhu kwandisingasvike? Hamuonewo kuti izvo hazviite? Ko vakapota vachirohwa nevanovachengeta ikoko kana kubatwa humwe huchapa wandinopa mhosva ndiyani? Ndinika.” Anoti kana dai vakava vamwene vake, haangabvume kuti vanochengetwa kumusha unogara vakwegura.

“Kana dai murume wangu akauya nepfungwa yekuti tiendese vamwene vangu ikoko, ini ndinozviramba. Ndinovachengeta kusvikira vafa nekuti ndinozivawo kuti mangwana ndini ndinenge ndakurawo – handizoda kunofira kumusha unochengetwa vakwegura.”

Amai vaBrenda vanoti kune vamwe varoora vasingade kuchengeta vabereki vevarume vavo vanenge vakura izvo zvinomanikidza vamwe varume kuzoendesa vanababa kana amai kunochengetwa kumisha iyi.

“Asi iwewe muroora ibva wazvizivawo, uchachemberawo saka unonofira ku’old people’s home’. Panotsika remberi ndipo panotsika reshure — zvinongofanana,” anodaro.

Anopedzisa achiti maitiro akadai anoparadzanisa mhuri saka haafanirwe kuitwa zvachose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey