Unokohwa zvawakadyara

07 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Unokohwa zvawakadyara

Kwayedza

Bembera Padare naWedzerai Nhemachena
PANE chokwadi chisina kugombedzera chinozivikanwa nemunhu wose, chinoti kana murimi akadyara nzungu anokohwa nzungu kwete nyemba. Ndizvo zvimwe chetezvo nemurimi wemombe, huku kana chii zvacho.

Zvimwe chetewo, ukarera vana vako uchivaudza kuti babamukuru kana sekuru ngana vakaipa, vanokura vachirwa daka ravasingazive.

Vana baba nanamai tinovaka zvigeven’a zvedu, magaranyanya edu mudzimba dzedu tichida kuzvifadza nhasi asi tisingatarise ramangwana redu mudzimba dzedu, makambani edu kana munyika yedu.

Zvinhu izvi zvatinogadzira zvinotyisa nokuti zvakarasa hunhu hwevanhu pamusana pedu isu vabereki, kana vanamuzvinakambani.

Dare rino rinoda kuti titarise mafambiro atava kuita mumigwagwa yedu kuti tione kuti pachine hunhu here? Ngatitarise zvakare zvinamira zvakaberekwa mumigwagwa iyoyo kuti chokwadi mwana waani anobva mudhorobha kusvika kumisha inogarwa neruzhinji akanamira shure kwemotokari dzinotakura vanhu mumaguta?

Ndiani achaziva kuti chiizve chimwe chichabuda mumigwagwa nokuda kwehunhu hwatakadyara tikadiridzira isu vakuru?

Dai zviri izvo chete pamwe taiti zvimwe. Zvino tarisai zvakare zvimwe zvatakadyara muminda zvatipinza nzara dzinza rose, izvo zvapararira kusvika pekuti vanhu vanotora dzimba dzemakanzuru vachipinza vanhu vavanoda mudzimba idzodzo, ivo vopihwa mari yehugaro hwedzimba dzavasina kuvaka, kanzuru yonyimwa mari iri iyo yakadzivaka.

Zvino maguta nemadhorobha anobudirira chirudzii?
Takadyara huori zvakare, hunoreva kuti tinokohwa patisina kurima, tava nemakoronyera nyika yose. Ko ndiani achatirimira, achagadzira zvinhu mumafekitari edu? Mamwe mafekitari atova dzimba dzekunamatira! Tava kugadzira minamato here kumafekitari edu?

CHENJEDZO:
Tine magaranyanya nezvigeven’a zvakawanda zvatiri kugadzira mumisha, mumakambani nemunyika yedu zvatichatadza kudzora hunhu hwazvo.

Nguva ichiripo yekuti tidyare hunhu hwakanaka mudzimba dzedu munobuda zvatinodyara izvi zvinozotitungamira mudzimba dzedu, mumakambani edu, nemitunhu yose munyika yedu.

Ngatingwarire zvatinodyara nokuti mangwana zvichatishungurudza isu pachedu kana zvapedza kushungurudza ruzhinji.

Dare rino rinoti ngatigare matare mudzimba dzedu nemhuri dzedu, mumakambani edu, nemitunhu yose munyika yedu tione magaranyanya atiri kudyara nehunhu hwedu isu vakuru, tigadzirise patsva kuti ramangwana remhuri dzedu mudzimba, mumakambani nemunyika yose tifambe mugwara rakajeka. Nokuti zvatinodyara ndizvo zvatinokohwa.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links