Uncategorized

Unonzi ‘MUSHA’ NaTafadzwa Shamba…‘Akaba nhumbi dzamai vafa’ – Ndokupaza dzimba dzose

08 Oct, 2020 - 17:10 0 Views
Unonzi ‘MUSHA’ NaTafadzwa Shamba…‘Akaba nhumbi dzamai vafa’ – Ndokupaza dzimba dzose Musha nemumba maTafadzwa Shamba

Kwayedza

Nyaya naKingstone Mapupu

Mifananidzo naKudakwashe Hunda

CHIVANZE chose anongova masora nemarara. Dzimba dzakapera kudhirika zvidziro nematenga. Imwe yacho yasara imire ine denga rehuswa rave kuwaranyuka. Chine upenyu chasara bedzi pane uri kunzi musha uyu miti miviri yemukonde iri nechekumabvazuva, madzvinyu nemakonzo kuita madiro. Pamwe nenyoka!

Haumirire kuudzwa kuti wasvika padongo.

Pinda mukati memba imwe chete yasar imire. Ko ungamiswe nei iro gonhi pasina?

Chinokutambira igutukutu rekunhuwa kwezviri mukati. Mune magumbeze akawaridzwa pahuriri ayo anoratidza kuti haachaziva kuwaranyurwa. Kuabvaranyura kunotoda vane mwoyo yakasimba nekuti unogona kuburitsa zvawadya.

Hamuna zvinoshamisira mumba umu semukurumbira (wakashata) waitwa nemuridzi wemo.

Ndiro imwe chete yakasiiwa isina kugezwa payagumisira kudyirwa, poto yesimbi, hari yevhu, kapu nezvigubhu zviviri unenge watopedza midziyo irimo.

Ukuwo machira akavhara pamawindo abvaruka.

Svikai zvenyu pamusha waTafadzwa Shamba murume ari kuzviti ndiye akaponda nevamwe vake mwana wekwaMurehwa anonzi Tapiwa Makore (7), ndokucheka-cheka nhengo dzemuviri wake zvekuusiya usisina musoro, maoko zvose nemakumbo.

Shamba (40) pamwe chete nasazita uye babamukuru vemwana wekuuraiwa uyu, Tapiwa Makore (57) vakatosungwa nemhosva yekuponda mwana anga achidzidza paNyamutumbu Primary School uyu.

Shamba anonzi nhoroondo yeupenyu hwake inozivikanwa nenyaya dzehubhinya nehugororo.

Hama dzaTafadzwa Shamba dzinoti hadzinyatsonzwisisa mararamiro ake.

Tendai Zulu (33), uyo anova muzukuru wemurume ari kubvuma kuti akaponda mwana uyu, anoti Shamba aimbonzi aiba nhumbi dzaamai vake vachiri vapenyu.

Zvinonzi akazotora nhumbi idzi, kusanganisira dzemukati, mushure mekunge amai ava vashaika, ndokudzitengesa dzisati dzagovewa.

Tafadzwa Shamba uyo anoyera mutupo weMusvinyangwa Nzombe, achibva mubhuku raChinyani, ikoko kwaMurehwa anonzi akatora mabhurugwa aamai vake nedzimwe mbatya kusanganisira magumbeze pavakafa, ndokunozvitengesa kwaBhora nekwaMurehwa Centre.

“Sekuru vangu ava handizive kuti vachiri ‘right here’ nekuti vakashaikirwa nevabereki vose, ivo ndokutanga kutengesa zvinhu pamusha nekuti ndiye dangwe. Chakatinetsa kuti akatengesa nezvipfeko zvaamai vake zvemukati ivo vafa nepavakange vari vapenyu izvo zvaisanganisira mabhurugwa, mapitikoti, mabhodhi, madhirezi, magumbeze, mapoto nendiro. Akazogumisira ave kupunza imba achitengesa zvidhinha zvacho,” anodaro Zulu.

Baba vaTafadzwa Shamba vanonzi vaiva nemotokari iyo mwanakomana uyu akatengesa, mari yacho ndokuidudunya mudoro nembanje.

“Dzimba dzaakasiirwa nevabereki vake dzaiva nema‘tiles’ izvo zvose akakwatanura nemahwindo nemadhoo frame akatengesa. Akazenge ave kugara achirwa nemudzimai apo vakazorambana makore angaite gumi akadarika.

“Anorarama nemaricho muvanhu nekutsvaga howa achitengesa munguva yeZhizha. Anga ava kugara muimba yekubikira isina madhoo nemahwindo iyo yakasiiwa nevabereki vake,” anodaro Zulu.

Tafadzwa Shamba anonzi akazobva ave kunogara kumba kwaTapiwa Makore (Snr) ava mufudzi wemombe nekuita mamwe mabasa mwedzi mitatu yadarika.

Panyaya yekutengesa nhumbi dzaamai vake, zvinonzi madzisekuru ake akazongoramwa ndokusiya zvakadaro pasina kugovewa kwenhumbi dzaive dzasara.

“Tafadzwa Shamba ane vana vaviri, mumwe chete akafa. Mukadzi wake mupenyu asi vakarambana uye ndiye aisimushandira pamusha apa vachiri vose. Vana vake vanogara kwatezvara vake makare muno,” anodaro Zulu.

Anoenderera mberi: “Zvimwe zvaakatengesa zvinosanganisira welding machine neinjini yemota. Ane vanin’ina vaviri nehanzvadzi imwe chete, vose vanogara kuHarare. Zvipfuyo akapedza kutengesa zvaisanganisira mombe, mbudzi, hwai nehuku.”

Pakasvika Kwayedza pamusha paTafadzwa Shamba nemusi weChishanu wadarika, musha waitodyisa nerunyararo rwaivepo uye panoita kunge pasango.

Zulu akapinda nevatori venhau mumba yekubikira yasara imire umo muchakawaridzwa magumbeze asi iye muridzi achinzi akagumisira kuraramo mwedzi miviri yakadarika uyewo dota ririmo muchoto.

VaJaphet Shamba (33), vanova babamudiki vaTafadzwa Shamba, vanotsinhira kuti mwana wavo akatengesa midziyo yevabereki vake.

“Zvakatinetsa mukomana uyu apo akatanga kuba mabhurugwa aamai vake nedzimwe mbatya achitengesa zvose nezvababa.

“Pavakafa, akazvipedzisa zvose zvaive pamusha apa. Takazoona atiza pamusha ave kunoshanda kwaTapiwa Makore (Snr),” vanodaro VaJaphet Shamba.

Vanoti vari kudyidzana nemhuri yekwaMakore iyo ine mwana anonzi akapondwa naTafadzwa Shamba sezvo vari kubatsira nehuni nechikafu parufu rwusati rwazivikanwa kuti rwunopera rinhi urwu

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey