UNZAI JEKISENI RECOVID-19. . . ‘Vanhu vongofa here?’

13 Dec, 2020 - 10:12 0 Views
UNZAI JEKISENI RECOVID-19. . . ‘Vanhu vongofa here?’ Dr Mahomva

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

PANGUVA iyo Hurumende yasvika padanho repamusoro rekuona kuti mushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 (vaccine) unge uchizowaniswa kuvanhu vemuno mugore riri kutevera, veruzhinji vari kugashira nemaoko maviri danho iri vachiti richabatsira mukurwisa kupararira kwedenda ranetsa pasi rose iri.

Zvichakadai, nyika yeBritain yakatotanga chirongwa chekubaya vanhu veko majekiseni anodzivirira Covid-19.

Zvisinei, pane mafungiro akasiyana kubva kune veruzhinji pamusoro pemushonga uyu vamwe vachiti wakanaka, asi vamwe vachiti hauna.

Kwayedza inoita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana avo vanopa mafungiro avo pamusoro penyaya iyi.

“Kana Hurumende ichinge yatendera kuti mishonga iyi ichipinda munyika muno, tinoitambira nekuti chakakosha upenyu. Chatinongoda kuziviswa kuti mishonga yacho inenge ichishanda nemazvo here, isingazoite kuti vanhu vasare vachitambudzwa nezvimwe zvirwere kana kuzoremara. 

“Saka tinokomekedza vaongororori vanoona nezvemishonga kuti vatange vanyatsoona kushanda kwayo isati yapihwa kuvanhu kuitira kuchengetedza upenyu hwedu,” vanodaro VaWonder Matangira vekuManyame Park, kuChitungwiza.

Tichaona Masarira

 

VaTichaona Masarira vekuChitungwiza zvekare vanoti havasi kuzongobaiwa jekiseni iri vasati vaona kuti vamwe vanhu vanenge vabaiwa havana matambudziko avanosangana navo here.

“Kudzivirirwa tinoda zvikuru, asi handinyore kuti zvinge zvichitambirika nekuti kune dzimwe nyaya dzakamboitika kumashure apo vamwe vana vakabaiwa majekiseni ekudzivirira zvirwere vakazoita matambudziko. Saka tichada kutanga taona kuti vanenge vabaiwa vanonzwa sei tozobaiwawo nekuti kutaura chokwadi tinotya,” vanodaro.

Mai Esnath Gada vanotiwo zvakakosha kuti vana nevanhu vakuru vadzivirirwe kuCovid-19 kuti vachengetedzwe.

Esnath Gada

“Covid-19 sekuziva kwedu inouraya, saka uyu ndiwo munamato wedu mukuru wataichemera kunaMwari kuti kudai vapawo ruzivo kuvarapi nemadhokotera paitwe ongororo yekuti chiwanirwe dziviriro sezvimwe zvirwere. Vanhu vongofa here takatarisa? Izvozvi vamwe vanzwa nekungonwa mishonga yechivanhu yavasingazive kuti inoshanda here. Saka kana pachinge paitwa ongororo yekuti kune mushonga unodzivirira Covid-19 tinototi dai wauya vanhu vasati vapera kurwara nekuti zvinokanganisa budiriro yenyika,” vanodaro.

Netty Mutasa anotiwo iye haasi kuzoramba kubaiwa jekiseni reCovid-19 iyo inokonzerwa nehutachiona hunonzi coronavirus nekuti anoda kuchengetedza upenyu hwake nehwevamwe.

Netty Mutasa

“Hongu, tinoziva kuti kana mushonga uyu ukauya, kune vamwe vacharamba nekuti vanenge vaine pfungwa dzavowo. Asi hazvisi zvekutevedzera nekuti mukana unouya kamwe chete. Unogona kuramba asi wozofa nechirwere chacho zvoshaya basa saka kungoedza zvose kuti tirarame,” anodaro.

Dr Agnes Mahomva avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet vanoti hurongwa hwekushandiswa kwemushonga uyu hwave padanho repamusoro uye vari kushanda nemapoka anosanganisira sangano reWorld Health Organisation (WHO). 

Asi vanoti Zimbabwe haizi kuzoshandisa mushonga usati wanyatsoongororwa nezvawo.

“Zimbabwe ichashandisa mushonga weCovid-19 unenge waongororwa nekupasiswa kuti hauna njodzi kuutano,” vanodaro Dr Mahomva.

Zimbabwe iri muboka reWHO rinozivikanwa nekunzi Covax, iro rine hurongwa hwekuwana uye nekugovera mushonga wemajekiseni kunyika dziri muAfrica kana uchinge waongororwa nekupasiswa.

Chirongwa ichi, icho chine chinangwa chekuti pave nemajekiseni emhando iyi anosvika 220 miriyoni muAfrica, chichaita kuti mishonga iyi igoverwe nekukasika uye zvakaenzanirana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>