‘Unzai vana vaongororwe njere’

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
‘Unzai vana vaongororwe njere’ VaKateera

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUKURU wezvedzidzo mudunhu reHarare Metropolitan Province (Provincial Education Director), VaChristopher Kateera, vari kukurudzira vabereki kuti vashandise zvizere chikamu chebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari chinoona nezvekuongororwa kwenjere dzevana – kungava kupinza kana kuderera kwadzo – kuitira kuti vana vagobatsirwa zvakaringana.

Vanoti bazi ravo rine chikamu cheDepartment of Psychological Service and Special Needs icho vabereki vanokwanisa kuenda nevana vavo kuti vanoongororwa njere dzavo.

Izvi zvinotevera nyaya yemwana Tinotenda Manyemba anodzidza paWidcombe Primary School, kuHatifield, muHarare, uyo akatanga Grade 1 aine makore mana okuberekwa asi akazojambiswa kuenda kuGrade 3 mushure mekunge aongororwa pfungwa dzake nevekuchikamu ichi ndokuonekwa kuti dzakapinza zvikuru. Iye zvino Tinotenda ava muGrade 4 aine makore matanhatu ekuzvarwa.

“Ichokwadi, kune vamwe vabereki vari kushandisa chikamu chedu cheDepartment of Psychological Service and Special Needs asi dambudziko riripo nderekuti vazhinji vavo vari kuuya nevana vaye vanenge vaine dambudziko renjere kana kuti vakaremara kuti vaone kuti vangaiswa mumakirasi akadii (special classes).

Vashoma vakadai sababa vaTinotenda Manyemba, avo vakabata pamwe nevarairidzi vepachikoro kuti mwana wavo ange achiongororwa njere akaonekwa aine ruzivo rwakapinza.

“Ibasa revatori venhau zvakare kuti mutibatsire kushambadza chikamu ichi. Ongororo dzacho dzinoitwa pachena,” vanodaro. VaKateera vanoti zvikoro pamwe nevadzidzisi vanofanira kutambira vana vane njere dzakarodzeka nevasina pane kuti vange vachivasarudza nekuti dzidzo ikodzero yemwana wose.

“Vabereki havafanirwe kuvanza zvipo zviri muvana vavo nekuti kune vanhu vanokwanisa kubatsira mukuzvisimudzira pakudzidza. Kana ongororo ikaitwa nenyanzvi, isu tinozonyora magwaro anoenda kuchikoro achitaura kuti mwana iyeye akakodzera kuti ange chipinda mudanho ripi redzidzo.

“Kuburitswa pachena kwezvipo zvevana ava kunobatsira zvekare munhoroondo yedzidzo,” vanodaro.

Ongororo yekurodzeka kwenjere dzevana inoitwa munyika muno yakangofanana neinoitwa pasi rose inodaidzwa kuti Wechsler Preschool and Primary Scale of Intelligence (WPPSI) uye kune imwe ongororo yemhando iyi inoitwa kuvanhu vakuru inonzi Wechsler Adult Intelligence Scale.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>