Upenyu mberi, mitambo mumashure: PSL

23 Apr, 2020 - 20:04 0 Views
Upenyu mberi, mitambo mumashure: PSL Kudzai Bare

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO rePremier Soccer League rinoti harizive kuti nhabvu ichatambwa here mwaka uno wa2020 sezvo iye zvino isiri nguva yekufunga zvemutambo, asi kuchengetedza utano neupenyu hwevanhu.

Kare mwaka wenhabvu unozivikanwa uchitanga kupera kwaKurume kana kutanga kwaKubvumbi.

Asi mitambo yegore rino yakambomiswa senzira yekutevedzera gwara rakatarwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa rekuti vanhu vose vasaungane uye vagare kudzimba senzira yekudzivirira kutapurirana nekupararira kwechirwere cheCovid-19 icho chinokonzerwa neutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus.

Zvichitevera kuwedzerwa kwakaita mazuva e“lockdown” nemutungamiri wenyika svondo rino, mutauriri wePSL, Kudzai Bare anoti ino haisi nguva yekumbofunga zvekuti nhabvu inotanga riinhi sezvo vanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 uye vamwe vachifa nacho.

“Isu tiri kutevedzera danho rakatorwa nemutungamiri wenyika President Emmerson Mnangagwa rinoti vanhu vasaungane uye vagare kudzimba dzavo senzira yekuderedza kupararira kwechirwere checoronavirus.

“Vanhu vari kufa nechirwere ichi saka zvakakosha kuti veruzhinji vagare vakachengetedzeka nguva dzose kuitira kuti Covid-19 isapararire. Isu sePSL, hatikwanise kutaura nezvekutanga kwenhabvu iye zvino nemamiriro akaita nyika nekuda kwecoronavirus, chikuru kuti vanhu vachengetedzeke nguva dzose,” anodaro.

Anoenderera achiti kana chirwere ichi chapera, ndipo pavachazoronga kuti nhabvu inotanga here uye vanenge vachitarisa nepanenge pava nenguva.

“Kana lockdown yapera uye pava nehumboo hwekuti chirwere checoronavirus hakuchisina, ndipo tinotanga kuronga kuti mitambo ichitanga, asiwo tichatarisa kuti gore rinenge rafamba zvakadii.

“Iye zvino tinongokurudzira vanhu kuti ngavange vakachengetedzeka nguva dzose vari mumba, vasafunge zvenhabvu. Upenyu ndihwo hwakakosha nguva dzose,” anodaro.

Zviri kuitwa nePSL izvi ndizvo zviri kumamwe masangano enhabvu pasi rose uko mitambo yakamira kutambwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>