‘Upfumi, dzidzo zvinofambirana’

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
‘Upfumi, dzidzo zvinofambirana’ Dr Musa Kika

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANA vechikoro vanoti kuoma kweupfumi munyika kumwe kuri kuita kuti vakundikane muzvidzidzo zvavo apo vabereki vari kutambura kuvawanira mari dzechikoro, dzekufambisa, mbuva nezvimwe.

Izvi zvakabuda pachirongwa chakaitwa nesangano reJustice for Children Trust (JCT) apo vainzvera kuti mamiriro eupfumi hwenyika anokanganisa sei raramo yevana paimwe hotera iri muHarare nguva pfupi yadarika.

Ongororo ichangobva kuitwa nekanzuru yeZimbabwe Schools Examination Council (Zimsec) inoratidza kuti zvikoro 87 — zvizhinji zvacho zviri kumaruwa — ndizvo zvine vana vakafoira zvakanyanya kusvika pakuwana 0 percent pabvunzo dzeGrade 7 dza2019.

Zvimwe zvikoro 45 zvine vana vakapasa nechikamu che100 percent.

Izvi zvinoreva kuti kumaruwa kunoda rubatsiro rwakanyanya kuti vana veko vapasewo. Kana paine 0 percent yekupasa kwevana, zvinoreva kuti vose vakanyora bvunzo vanenge vakafoira.

Christopher Mutasa, uyo anova Child Speaker of Parliament, anoti kuti vana vechikoro vabudirire mudzidzo yavo, vanoda rutsigiro rwunobva kuvabereki nevarairidzi.

“Dambudziko riripo nderekuti varairidzi havasi kuwana mari dzinovakwanira, saka vanoenda kubasa vasina mufaro zvoita kuti vasafundise vana nemazvo.

“Vamwe vanenge vari mushishi kutengesa zvinhu zvavo pachikoro vachidya nguva yekuti vana vadzidze.

“Ukuwo vabereki vari kuomerwawo zvekusvika pakukundikana kutengera vana penzura kana mbuva chaiyo.

“Izvi zvinoreva kuti vana vechikoro vakamomoterwa nematambudziko izvo zviri kuita kuti kupasa kwavo kuderere,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Tine vana vazhinji vakasiira chikoro panzira nekuda kwekuti vabereki vanenge vakundikana kuwana mari dzechikoro.

“Vana ivavo kana vachinge vava kungogara mudzimba vanopedzisira varoorwa kana kuroora vasati vabva zera, kutora zvinodhaka zvinova zvinokanganisa upenyu hwavo.

“Hurumende inofanira kutora matanho ekuona kuti vana ivavo vabatsirwa nekuwaniswa dzidzo yepachena pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM).”

Elinah Moyo anova senator mudare reJunior Parliament anoti vamwe vana havasi kuchengetedzwa zvakanaka muZimbabwe.

“Vamwe vabereki vari kukundikana kuriritira mhuri dzavo zvinoita kuti vana vagumisire vava kupara mhosva dzekuba nekuita mabasa echipfambi kuti vawane kurarama muzvikoro zvepuraimari, sekondari kusvika kumayunivesiti nemakoreji,” anodaro.

Sandra Munhundarima anova judge muJunior Parliament anoti vamwe vana vari kuzvisungirira nekuda kwekuoma kweupfumi hwenyika.

“Vamwe vabereki havachakwanisa kugara nevana mumisha apo vamwe vava kuenda kune dzimwe nyika. Saka vana vava kurarama voga — vabereki vari kwavo vachitsvaga chouviri.

Vamwe vabereki vanogara vachirwisana mudzimba izvo zvinoshungurudza vana, vopedzisira vatora upenyu hwavo.

Kunetsana kwevabereki pamberi pevana kunokanganisa dzidzo yavo,” anodaro.
VaObert Masaraure — vanova mutungamiriri wesangano rinomiririra varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe — vanotiwo kunyuka kwezvikoro zvakazvimiririra izvo zvisina kunyoreswa zviri pamutemo ndiko kumwe kuri kuita kuti vana vadofore sezvo pasina ongororo inoitwa muzvikoro izvozvi.

“Kune zvikoro zvakawanda zvakazvimiririra zviri kungonyuka apo vabereki vanongotumira vana pasina kuiita ongororo kuti zvakauya sei.

“Muzvikoro izvi ndimo zvekare muri kunyanya kunyuka nyaya dzekumbunyikidzwa kwevana nekuti hakuna ongororo inoitwa nenyanzvi dzinoona nezvezvikoro (district schools inspectors),” vanodaro.

Alice Kuvheya, uyo anova director weChitungwiza Residents Trust, anoti mudhorobha iri mune matambudziko anosanganisira kushaikwa kwemvura, kusatakurwa kwemarara, kudhura kwezvekufambisa nekushaikwa kwemagetsi izvo zviri kunganganisa vana padzidzo yavo.

“Kudhura kana kushaikwa kwechingwa chaiko kunoita kuti vana vafoire,” anodaro.

Kuchiti Dr Musa Kika, vanova gweta kusangano reJCT, vanoti kukwira kwemitengo yezvinhu, kudzikira kwemari yemuno, kushomeka kwemabasa nemari dziri kutambirwa nevanhu kuri kukanganisa raramo yevana muZimbabwe.

“SeJCT, tinorwira kodzero dzevana uye donzvo redu nderekuona kuti mwana wose achengetedzwa, kodzero dzake dzakakwana dzedzidzo, utano, pekugara, kudya nezvimwe zvinodiwa mukurarama kwake,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links