Uncategorized

Upfumi hweZim hwasimuka: WB

14 Jan, 2022 - 10:01 0 Views
Upfumi hweZim hwasimuka: WB

Kwayedza

Munyori weKwayedza

BHANGA guru repasi rose reWorld Bank (WB) rinoti upfumi hweZimbabwe hwakasimukira ne5,1 percent muna2021, chinove chikamu chakanyanya kukwira kana zvichienzaniswa ne3,9 percent yaitarisirwa nebhanga iri.

Izvi zvinoratidza budiriro huru zvisinei nekuvepo kwechirwere cheCovid-19.

Upfumi hweZimbabwe huri kusimukira zvakanyanya zvichitevera hwaro hwakasimba munyaya dzezvekurima izvo zvakaona nyika ino ichiwana goho guru mwaka wadarika zvichitevera kunaya kwemvura zvakanaka.

Hurumende yaitarisira kuti upfumi hweZimbabwe huchasimukira nechikamu che7,8 percent muna2021.

Zvisinei, kusimukira kwakaita upfumi hweZimbabwe nechikamu che5,1 percent mucherechedzo wekuti budiriro iyi icharamba ichienderera mberi, zvikuru zvichibva kubhanga reWorld Bank iro rinopihwa chiremerera chikuru.

Gwaro richangobuda reWorld Bank’s Global Economic Prospects Report, rinoratidza kuti kusimukira kweupfumi hweZimbabwe (Gross Domestic Product ) kuchange kuri pa4,3 percent muna2022 uye kuchizoenda pa4,2 percent muna2023.

Gurukota rinoona nezvehomwe yenyika, Professor Mthuli Ncube vanogara vachitaura kuti upfumi hweZimbabwe huri mugwara rakanaka mukuzadzikisa chiono chemutungamiri wenyika President Mnangagwa, chekuti vanhu vakawanda vange vave neupenyu hunoyemurika panozosvika gore ra2030 (Vision 2030).

Chiono cheVision 2030 chine donzvo rekuti upfumi hweZimbabwe hunge hwavandudzika kuitira kuti panozosvika gore iri vanhu vange vave neupenyu hwepamusoro-soro.

Prof Ncube vanoti rwendo rwekuzadzikisa chiono cheVision 2030 rwakatanga nekufambiswa kwechirongwa cheTransitional Stabilisation Programme (TSP), icho chakavambwa muna2018.

Gwaro reWorld Bank Zimbabwe Economic Update (ZEU) rakaburitswa gore rapera rinoratidza kuti upfumi hwenyika ino hunotarisirwa kusimbaradzwa gore rino apo kufambiswa kwechirongwa cheNational Development Strategy 1 (2021-2025) kunenge kwave nezvibereko.

Muzvare Mukami Kariuki, avo vaitungamirira World Bank muZimbabwe gore rapera, vanoti upfumi hwenyika ino hunogona kusimukira nekukasika zvichienderana nemamiriro ezvinhu maringe nechirwere cheCovid-19 uye nekuti upfumi hwedzimwe nyika hwakamira sei.

Muzvare Kariuki vanoti upfumi hweZimbabwe hunotarisirwa kusimukira nekukasika kudarika hwenyika dzakapoteredza.

Kusimukira kweupfumi mudunhu reSub-Saharan Africa muna2021 kwaive kwakaderera kusvika pachikamu che2,8 percent.

World Bank gore rapera yakarumbidza Zimbabwe nekukwanisa kupedza dambudziko rekushandiswa kwemari yebhajeti zvakadarikidza mwero uye nekugadzirisa nyaya dzekukwira kwemitengo yezvinhu.

Bhanga iri rinoti kusimukira kweupfumi hwenyika ino kuri kubva pakuwanikwa kwegoho guru muna2021, kusimbaradzwa kwemabasa ezvicherwa, kusimudzirwa kwenyaya dzekuwanikwa kwemagetsi pamwe nechikamu chezvekuvaka nekugadzirwa kwezvinhu.

World Bank inoti kukasika kwakaitwa neZimbabwe kutangisa zvirongwa zvekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 uye nekubatsira vanotambura pamwe nekupa rutsigiro kumakambani, zvakabatsira zvakanyanya mukuderedza kukanganiswa kwemamiriro ezvinhu nedenda iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey