‘Upfumi netsika zvinodyidzana’

22 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
‘Upfumi netsika zvinodyidzana’ Brig-Gen Mzilikazi

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
KUVANDUDZWA kweupfumi hweZimbabwe pamwe neAfrica zvinobva pahwaro hwekuti veruzhinji vazive pavamire maererano netsika nemagariro zvichienderana nevanhu vatema.

Mashoko aya akataurwa naBrigadier-General Morgan Mzilikazi mushure mekuparura mudurikidzwa wemabhuku avo matatu nguva pfupi yadarika.

Mabhuku matatu aya ndeanoti Reclaiming Our Devine Mystic Powers, Africa Awakening Volume I neVolume II.

Brig-Gen Mzilikazi vanoti mabhuku aya anopa tsanangudzo yekuitwa nhapwa pamwe nekupambwa kwakaitwa nyika dzemuAfrica nedzimwe diki pasi rose kunova kwakaita kuti nyika idzi dzirasane netsika nemagariro adzo.

“Mumabhuku matatu aya, ndiri kupa tsananguro inotisvitsa patiri nhasi seAfrica uye senyika yeZimbabwe. Africa yose ine matambudziko anosanganisira nyaya dzeupfumi uye hondo dzisingaperi zvinova zvinokanganisa kuvandudzwa kweupfumi hwayo.

Upfumi hwenyika yeZimbabwe pari zvino hauna kumira zvakanaka. Matambudziko aya anodzoka kubva pakupambwa kwakaitwa nyika yedu. Takatorerwa upfumi hwedu, tsika dzedu pamwe chete nenzira dzekunamata chaidzo nenyika dzekumadokero panguva iyo takanga takapambwa. Zvose izvi tinofanira kuzvidzorera pazvaiva tisati tapambwa, tofamba nazvo mukuvandudza upfumi hwenyika yedu,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Munguva yehondo yeChimurenga chekutanga nechechipiri, varungu vakauraya masvikoro edu anosanganisira vanaMbuya Nehanda. Izvi vaizviitira kuparadza tsika nemagariro edu.

“Mumabhuku matatu aya, ndiri kupa kurudziro yekuti vanhu veAfrica pamwe chete neZimbabwe tigone kuzvishandira, kuzvigadzirira zvinhu zvedu mumaindasitiri tosimudzira makambani edu tiine mushandirapamwe.

“Mayunivhesiti ngaasava ekungobura vana zviuru nezviuru vasina chavari kuvandudza chinoshandiswa mumakambani.”

“Tinofanira kudada nedzidzo yedu senyika pakuti tiri kubura vadzidzi vanogadzira zvinhu zvitsva kwete kumirira kushandisa zviri kugadzirwa nedzimwe nyika.”

Vanoti maporofita mazhinji emazuva ano ndeenhama.

“Masvikiro nemaporofita echokwadi haatoreri vanhu mari nekuti vanenge vachishanda nesimba raMwari uye vachishandira Mwari zvemachokwadi. Vamwewo ndivo vava kunyepera vanhu kuti vanosvikirwa nemidzimu mikuru yakaita sanaNehanda zvinova zvava kukonzera kuti vazhinji varege kubvuma muchivanhu chedu,” vanodaro.

 

 

 

 

Share This:

Sponsored Links