Uri nhunzi yawira mubhodhoro

20 Sep, 2019 - 00:09 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa

URI nhunzi yawira mubhodhoro ichitevera tu”drink” twakasaririra iri kushaya pekubuda napo, asi kunze kune rusununguko iri kukuona. Nhunzi, usafire mubhodhoro muzere zvimwe zvitunha zvenhunzi. Tevera Jesu, kwete tu”drink”.

Newe munhu usatumwe nen’anga nekuda mari zvekusvika pakurara namai vako. Iwe munhu unorara namai vako, nemi amai munorara nemwana wenyu nekuda kwekuti mabhizinesi afambe matovhura rimwe bhizinesi raSatani.

Vamwe vanhu vanhu, vamwe vanhu imhuka. Vamwe vanhu vaimbove vanhu, asi vakaitiswa mhuka nevamwe vanhu vakabvisa hunhu vachitora humhuka. Tiri kuedza kuvaka nyika tiine vane simba guru vakaita sanaNzou, Nyati, Mvuu nanaChipembere. Tiri kuedza kusimudzira nyika tichibatsirwa nyangwe nevadiki vakaita sanasvosve, majuru, shiri nanatsere. Tiri kuedza kufamba tichienda mberi takabata senyika, tichiramba kudzokera kumashure kana kudzikira pasi – tichikakata tese Tsuro, Gudo, Mhembwe, Garwe, Tsoko naTsindi.

Asi patiri kushingaira kudai, pane vari kudira jecha mutsika nehunhu, mumhuri nemunharaunda. Patiri kuedza kubuda pachena kuti vanhu vese vaone kuti hatipfeke rima sehembe tichikwira makombi emapere, ipapo patiri kuti nyika ndini newe – paita nyoka dziri kuverevedza nekusvosvoma. Paita nguruve dzinoda kuzora madhaka, paita nungu dzinoda kubaya vamwe neminzwa.

Pane nguva dzisinganyadzise kuramba kupfuma. Handidi pfuma inouya nekuti ndaita zvibvumirano nerima. Ipfuma yerudzii inounzwa nekurara namai vako vakakubereka? Ipfuma rudzii nemi amai inoita kuti mubvisire mwana wenyu wamakabereka mbatya, iye muroora ariko?

Munamato wangu kuti munhu chaiye ari mukati menyu akuudzei kuti zvatakaita hazvifadze Mwari.

Ndaifunga kuti n’anga dzinochengetedza tsika nehunhu. Ndaifunga kuti n’anga dzinoziva zvakanaka nezvakaipa nekuti ndinoziva imwe n’anga yakaramba kuti mumwe mukadzi apinde mumatare ayo kusvikira areurura hupombwe.

Zvino kana n’anga dzave mubasa rekupaza nyika, nekuitisa vanhu makunakuna ane ngozi dzasiyanei nevaroyi? Ndaifunga kuti maporofita chete anoitisa vanhu zvituta achivaudza kuti vaite zvimwe zvinhu zvakaora, asi n’anga yeGokwe inofanirawo naiyo kuti ishevedzwe kudare ramambo.

Ndakaona vanhu vazhinji vakapasa kuchikoro asi vakaita madofo ehupenyu. Ndakaona vanhu vakanga vachitambudzika nekuda kuverengwa pavanhu nekuda kwemari kana hutsvuku hweganda. Kutsvuka kweganda kana mari zhinji hazvibatsire kana wakafura mwoyo nemumhuno sedzihwa, dzihwa rikasara riri panzvimbo yemwoyo.

Gudo rinoziva kukwira mumuti nehunyanzvi nekuita zvidobi. Ndiwo musikirwo warakaitwa naMwari. Asi nyangwe richifarira kukwira miti zvekuti zvinotoita sekuti miti yakasikirwa makudo, hakuna gudo rakaziva kutsvaga mhodzi dzemiti kuti riite kuti sango rirambe riine miti yakawanda.

Zvimwe chetewo nehove, inoziva nekugona kushambira, asi ruzivo rwehove harwuite kuti igone kuvaka dhamhu kana kurima zvekudya pasi pemvura. Zvinhu zvese zvine pazvinoperera, pazvinomirira nyangwe zviine hunyanzvi.

Nemunhu haafanire kudzorwa semombe yave kuenda kunopinda mumunda wechibage. Kana ukaenda kun’anga, n’anga iyoyo yokuudza kuti rara namai vako, kana kuti rara nemwana wako, kana kuti uraya mwana wako – hazvirambidzwe kurambira n’anga kuti zvamave kutaura itsvina inonhuhwa, uye zvinopesana nehunhu hwechivanhu nezvinodiwa naMwari.

Ndine shamwari yangu yaigarondiudza kuti baba vake vakarova imwe n’anga yaive nemukurumbira yaigara kuMarondera mushure mekunge yavaudza zvakadhakwa.

Kupinda muhotera kana muchimbuzi, kana mumunda kana mumagumbeze – ziva kuti uchazongobuda chete. Jesu misai nyika ndiburuke.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey