Uncategorized

Uriwe unoita sei . . .MUDIWA ACHINHUWA MUKANWA, BHUTSU?

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Uriwe unoita sei . . .MUDIWA ACHINHUWA MUKANWA, BHUTSU? Faith Mhinza

Kwayedza

• ‘Ini hangu ndinomuudza’
• ‘Kuzvinyarara kuri nani’
• ‘Unozvitaura umire pai?’
• ‘Ndomutengera perfume’

Muchaneta Chimuka
KUNE zvimwe zvinhu zvinongorema kuzvitaura kumudiwa, munyarikani, kuhama kana kumumwewo munhu.

Zvinhu izvozvo zvinoita kuti vamwe vanhu vakuvarire mukati vachinyara kana kutya kuzvireva nekuda kwenyadzi.

Sekuti; mudiwa wako, hama, shamwari kana mumwewo munyarikani akaita dambudziko rekunhuwa mukanwa, muhapwa, tsoka kana bhutsu, vhudzi kana muviri wake wose, iwewe unoita sei? Unomuudza kana kumutsiudza here? Sei?

Kana kuti unongokuvarira mukati unyerere iye “achingokanda kahwema” kasingakomborere?

Kana uchimuudza, unozvifambisa sei? Hautye kana kunyara kuti anozokugumbukira? Kana kutokuramba nekuti wamuudza kuti anonhuwa mukanwa kana shangu dzake?

Pachivanhu, pane kunonzi kunhuwa hudzi zvichireva kamwe kahwema kanobuda pamunhu ako kasingapere kunyangwe akageza zvakadini.

Kwayedza inopinda muvanhu kuti inzwe zvavanofunga pamusoro penyaya iyi.

Tatenda Jaison (40) wekuGlen View 7, muHarare, anoti kana mudikani wake achikanda kahwema kaasingafarire, haamudze asi anongotenga zvinhu zvinobatsira kuti kamunhuwi kasina kunaka aka kapere.

“Ini hangu ndiri munhu anonyara uye ndinotya kutaura zvinhu zvinokanganisa vamwe vanhu. Saka ndinongotenga pefiyumu inonhuwirira, sipo yekugeza netauro racho ndopa mudiwa wangu sechipo. Kana iye ari munhu ane pfungwa shanu, ndinovimba anoshandisa zvinhu izvozvo asi kana dzisingashande, anogona kungozvichengeta, kugovera kana kutozvitengesa,” anodaro.

Sekuru Friday Chisanyu — avo vanova nyanzvi munyaya dzechivanhu — vanoti muviri wemudikani unogona kunge uchinhuwa kuburikidza neinonzi hudzi.

“Vanhu vanosikwa zvakasiyana, vamwe vanongoita kahwema kakaipa kunyangwe vakageza zvakadii. Chakakosha kutsvaka nzira dzekuti zviderere kana kupera.

“Hazvinake kuti mudiwa wako azoudzwa nevamwe vanhu kuti anonhuhwa asi iwe unogara naye unyerere. Zvitori nani iwewe mudikani wepedyo kumuudza pane kuti ozozvinzwa nevamwewo vanhu,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoenderera mberi vachiti, “Munhu chero akanhuwa sei, haasemwe kana kusvipwa asi kuti anofanira kubatsirwa. Kana zvikaramba pamishonga yechirungu semapefiyumu, kune mishonga yechivanhu inogona kushandiswa kupedza dambudziko rekunhuwa

inosanganisira kugeza nedota nemimwe yemidzi.”

Tinotenda Chirume (35) anogara kuZengeza 5, kuChitungwiza, anotiwo hazvisi nyore kuudza munhu kuti ari kunhuwa mukanwa kana hidzi, kunyanya vanhurume.

“Kune vamwe varume vanonhuhwa dikita kana tsoka zvakaipa. Kana akangobvisa bhutsu, vanhu vanoita sekunge vachapfumbirwa nekunhuwa uye zvinongonetsa kuti usvipe munhu mupenyu. Kana chitunha chaicho zvinonzi hachisvipwe wani. Asiwo kududzira munhu kwakangonaka nekuti haangasandure maitiro ake kana asina kuudzwa.

“Zvinoda kutsvaga nzira kwayo yekutaura nayo zvisina kakushora mukati,” anodaro.

Chirume anotizve: “Ko iye munhu kana achiziva kuti anonhuwa tsoka anotadza nei kutenga foot powder pane kumirira kuudzwa? Kune vamwe vanotoziva kuti vanonhuwa mumukanwa saka vanotozviendera voga kumachiremba kunogezwa nekufundiswa kushambidza mazino avo.

“Ukazoudza munhu iwe usiri chiremba anokugumbukira saka kungotarisa nemeso muromo wosona. Ndinoona zvakakosha nekuti kutaurira vanhu nezvekunhuhwa kwavo zvine zvibhakera nemitauro mukati.”

Asiwo kune zvimwe zvirwere zvinonzi zvinokonzera kuti munhu anhuwe mukanwa.

Nomalanga Kashuma (40) anotiwo kana mumwe wake achinhuwa muviri, shangu kana mukanwa, anotsvaga nzira dzakareruka dzekumutaurira.

Nomalanga Kashuma

“Hazviiti kutaura pachena kuti shamwari uri kunhuwa asi ndinomuudza semufananidzo wemumwe munhu kuti ane munhuwi wakashata. Ndipo pandinoona kuti iye anogumbuka here kana kuti kwete.

“Ndinomuudza kuti kamunhuhwi ikako handikafarire nokuti ndiko kakafanana nekane munhu wandiri kutaura nezvake toona kuti tingapedze sei dambudziko iri nekuti kutaura chokwadi kungonyarara uchifira mumwoyo hakuite,” anodaro.

Mai Rudo Bensen vemuHarare vanotiwo, “Kana dziri hama dzemurume ukadziudza kuti dziri kunhuwa munoburana nekuti vanogona kufunga kuti uri kuda kuvadzinga pamba nyambisirwa kwete. Saka zvakakosha kupa sedzidziso yezveutano.

Nomalanga Kashuma

“Muviri unodawo kugezwa kaviri kana katatu pazuva nesipo uchinyatsodzumburudza nekukwesha nedombo. Zvose izvi unofanira kuzviita mukufara kwete kupopotera munhu.”

Faith Mhizha anoti akanga akaroorwa nemurume ainhuwa mukanwa asi vakazorambana.

“Ini pandakaroorwa ndainge ndiri mudiki nekudaro zvose ndaingotaura ndisina matyira. Saka pandakamuudza kuti iwe uri kunhuwa mukanwa haana kuzvifarira nekudaro ndinoona kuti matauriro atinoita kana tichitsiura vanhu anofanira kuva akarurama,” anodaro. Asi Mai Sithembeni Munyanyi (55) vanoti munhu anofanira kuudzwa chokwadi pane kuswero mutenderera.

Sithembiso Munyanyi

“Ini handingarambi ndichifemerwa nemunhu anonhuwa mukanwa, ndinotomuudza kuti zvifambe zvakanaka,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links