Kwayedza

Us$143 miriyoni yekurwisa hiv neaids

Dr Parirenyatwa

ZIMBABWE nguva pfupi yadarika yakapihwa rubatsiro rweUS$143 miriyoni yekurwisa kupararira kweHIV neAIDS kubva kusangano reUnited Nations Development Programme (UNDP) rakabatana nereGlobal Fund.

Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vakatenda rubatsiro urwu vachiti rwuchayamura zvikuru mukusimbaradza kurwisa kupararira kwedenda iri.

“Senyika tinokodzera kuwana zvakanaka zvinova zvinoonekwa nekuwedzerwa kwemari yatapiwa,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

Vanoti mari iyi ichashandiswa kubva mwedzi waNdira kusvika Zvita gore rino mukurwisa kupararira kweHIV neAIDS pamwe nekurapwa kwevarwere vacho. “Kubva makore mashanu adarika, kupararira kweHIV neAIDS kwakaderera nechikamu che15%, uye Zimbabwe iri pachidanho chepamusoro mukuderedza kupararira kwedenda iri kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika dzose,” vanodaro Dr Parirenyatwa.