US$54m yekurwisa HIV nekupedza hurombo

08 Nov, 2022 - 16:11 0 Views
US$54m yekurwisa HIV nekupedza hurombo US Embassy Chargé d’Affaires, Elaine French

Kwayedza

Munyori weKwayedza

SANGANO reFamily AIDS Caring Trust (FACT-Zimbabwe) nevatsigiri varo kubva kuhomwe yeUS President’s Emergency Plan for AIDS Relief (PEPFAR) neUnited States Agency for International Development (USAID) nguva pfupi yadarika vakaparura zvirongwa zviviri zvekubatsira vanotambura uye nekurwisa kupararira kweHIV neAIDS kumatunhu eManicaland neMasvingo pasi pehomwe yeUS$54 miriyoni.

Zvirongwa izvi zvinoti cheSPACE for OVC neDREAMS SMART-Girls.

Chirongwa cheSPACE for OVC chikamu cherubatsiro rwesangano reUSAID chekubatsira nherera nevana vanoshaya nemari inosvika US$78.8 miriyoni.

Pamakore mashanu ari kutevera, SPACE for OVC ichashanda kumatunhu ane mutoro wakakura weHIV mukubatsira nharaunda munyaya dzekusimudzira utano, kudya kwakanaka nekugara zvakanaka kwevana vane hutachiona.

Chirongwa ichi chichaona kuti vana vabatsirwa mukudzivirirwa kutapurirwa HIV nemhirizhonga.

Zvakare, chichadzidzisa maringe nekutanga mabasa akasiyana.

Chirongwa cheDREAMS SMART-Girls chine donzvo rekuderedza kubatwa kwevanhu patsva nehutachiona hweHIV, zvikuru vasikana vabve zera nemadzimai echidiki muZimbabwe.

Zvimwe zvaiitika pakuparurwa kwechirongwa cheSPACE for OVC neDREAMS SMART-Girls nguva ichangodarika.

DREAMS inobatsirawo vanasikana kuti vakure vazove madzimai anokwanisa kuzvimiririra muupenyu.

Chirongwa ichi chinotarisirwa kubatsira vasikana vabve zera nemadzimai echidiki vanopfuura 59 000 apo SPACE for OVC ichabatsira nherera nevana vanotambura vanosvika 70 000 mumakore mashanu anotevera.

US Embassy Chargé d’Affaires, Elaine French, ndiye akatungamirira pakuparurwa kwezvirongwa izvi.

Anoti: “Nyika yeUnited States inofara chaizvo kushanda neFACT-Zimbabwe nebazi rezveutano nekurerwa kwevana mukugadzirisa matambudziko aya.

“Zvirongwa zvatiri kuparura nhasi nebasa ratiri kuramba tichiita, zvose zvinobatsira mukurwisa kupararira kweHIV muZimbabwe.”

Executive Director weFACT-Zimbabwe anoti: “Nhasi tiri kupemberera zvakare kumwe kubudirira apo taparura zvirongwa zviviri: DREAMS SMART (Support, Maintain, Advocate, Reduce Risk and Transform) Girls neSPACE (Sustain Prevention and Increase Access to Care and Empowerment) mumatunhu eManicaland neMasvingo nekuda kwerutsigiro kubva kuUS President’s Emergency Plan for AIDS Relief (PEPFAR) neUSAID senzira yekubatsiridza zviri kuitwa neHurumende yeZimbabwe.”

PEPFAR nenyika yeUnited States vakapa Zimbabwe mari inodarika bhiriyoni imwe chete mumakore 13 apfuura kuti ikwanise kudzivirira uye kurapa HIV.

Zvimwe zvaiitika pakuparurwa kwechirongwa cheSPACE for OVC neDREAMS SMART-Girls nguva ichangodarika.

Zvirongwa izvi zviri kubudirira mukuderedza huwandu hwevanhu vari kurarama neHIV muZimbabwe.

Zvichaitwa kwaMakoni, Mutare, Chipinge, Buhera, Gutu, Chiredzi, Mwenezi, Chivi nemudhorobha reMasvingo.

Zvinangwa zveDREAMS SMART-Girls zvinosanganisira kuwedzera huwandu hwevanasikana vabve zera nemadzimai echidiki vanowana ruzivo pamusoro penzira dzekudzivirira HIV nekusimbaradza kuti mhuri nenharaunda dzikwanise kugara zvakanaka.

Nerimwewo divi, zvinangwa zveSPACE for OVC zvinosanganisira kuvandudza mukana wekuwana rubatsiro maringe nekurapwa kweHIV kuvana, vabve zera nevechidiki uye kusimbaradza nzira dzinochengetedza vana nemhuri nekuwanisa mukana wekudzivirira kupararira kweHIV nemhirizhonga.

 

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey