US$60m yevarimi vefodya

16 Feb, 2022 - 12:02 0 Views
US$60m yevarimi vefodya

Kwayedza

Kudakwashe Ruzive

MAZANA nemazana evarimi vadiki vefodya vachange vave kuwana rutsigiro pasi pehomwe yeUS$60 miriyoni munguva pfupi inotevera iyo iri kurongwa nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe.

Homwe iyi iri kuunganidzwa nemari inobva muZimbabwe.

Izvi zvinotevera kuchema-chema kwakaitwa nevarimi mwaka wadarika vachiti vari kupinda muzvikwereti mushure mekutsigirwa nemakambani emakondirakiti ayo anowana mari kunze kwenyika.

Fodya chimwe chezvirimwa chinounza mari yakawanda yekunze munyika muno uye inonyanya kurimwa nevarimi vadiki.
Muzvare Chelesani Moyo vanova mukushi wemashoko kukambani yeTobacco Industry Marketing Board (TIMB) vanoti varimi vachange vave kukwanisa kutora mari iyi munguva pfupi inotevera.

“Chirongwa chekuwaniswa kwemari pasi pehomwe yeUS$60 miriyoni iyo iri kutungamirirwa neReserve Bank of Zimbabwe chichiri kufambira mberi,” vanodaro.

“Vari muchikamu chezvefodya vane tarisiro yekuti vawaniswe mari pasi pehomwe iyi mwedzi waKurume 2022 usati wapera kuitira kuti vave nemukana wakakura wekuita gadziriro dzemwaka wekurima wa2022/2023.

“Homwe iyi inokwanisa kutsigira mahekita anosvika 50 000 ayo anotarisirwa kukohwewa 60 miriyoni kgs dzefodya apo tiri kufambira mberi nekuzadzikisa tarisiro yegore ra2025 yekukohwa 300 miriyoni kgs uye indasitiri inokosha US$5 bhiriyoni panosvika gore iri.”

VaPaul Zakariya vanova munyori mukuru wesangano reZimbabwe Farmers Union vanoti homwe iyi chabatsira varimi avo vairozvwa nemakambani emakondirakiti.

Vanoti makambani akawanda anopa varimi makondirakiti anoshandisa mari inobva kunze zvinoreva kuti fodya inenge yatengeswa inotakurwa kuendwa nayo kunze pasina kuvandudzwa kwainenge yaitwa.

“Kutsigirwa kwekurimwa kwefodya muno kunoita kuti ikwanise kuvandudzwa mukati menyika,” vanodaro VaZakariya.

Mashoko avo anotsinhirwa naDr Shadreck Makombe vachiti homwe iyi ichasimudzira mabasa ekurimwa kwefodya zvakanyanya.

“Nehomwe yeUS$60 miriyoni, varimi vanokwanisa kuzvimiririra uye izvi zvakanakira misika yemuno inotengesa fodya.
“Varimi vedu vakawanda vanokwanisa kuzozvitsigira mune remangwana,” vanodaro Dr Makombe.

Chikamu chinosvika 95 percent chevarimi vanotsigirwa nemakambani anopa makondirakiti.

“Ava vanodzora mari yavo nekuudza varimi kuti vatengesere chirimwa chavo kwavari nemutengo wavanenge vadzika,” vanodaro VaMakombe.

Mwaka yadarika, makambani anopa makondirakiti aipomerwa kusatsigira varimi zvizere uye nekuzovatorera mari isingaenderane nezvikwereti zvavanenge vavapa.

Varimi vanodarika 140 000 vanorima fodya apo vanhu vanosvika 1 miriyoni vanoraramiswa neindasitiri yechirimwa ichi.
Fodya inobatsira nekuunza chikamu che30 percent chemari yekunze muZimbabwe iyo inodarika US$600 miriyoni pagore.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey