US$75 miriyoni yekurwisa Covid

28 Apr, 2021 - 18:04 0 Views
US$75 miriyoni yekurwisa Covid Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

ZIMBABWE yakapihwa US$75 miriyoni yekubatsira kurwisa chirwere cheCovid-19 kubva kuhomwe yeGoblal Fund uye mari iyi ichashandiswa kwemakore matatu anotevera.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri svondo rino mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti Hurumende iri kuramba ichitsigira kurwisa chirwere ichi nemari inobva muhomwe mayo.

“Panyaya yezvekushandisa, Goblal Fund yakapa US$75 miriyoni yekubatsira Hurumende kurwisa chirwere cheCovid-19. Mari iyi ichashandiswa kwemakore matatu, kubva 2021 kusvika 2023. Zvisinei, Hurumende iri kuramba ichitsigira nezvekushandisa mukurwisa Covid-19 kubva pamari yemuhomwe yayo apo $11 bhirioyoni yashandiswa kusvika pari zvino kubvira pakatanga chirwere ichi,” vanodaro.

Hurumende, vanodaro Sen Mutsvangwa, iri kushungurudzika zvikuru zvichitevera kuwanda kuri kuita nyaya dzekutakurwa kweveruzhinji nevedzimotokari zvisiri pamutemo.

Pasi pemitemo yekurwisa Covid-19, mabhazi nemakombi akanyoreswa chete nekambani yeZupco ndiwo anotenderwa kutakura veruzhinji.
“Vabati vezvemutemo vari kusimbaradza chirongwa chekusunga vedzimotokari vari kutakura vanhu zvisiri pamutemo. Vanhu 17 727 vakasungwa munyika yose muvhiki ratiri kutaura nezvaro nemhosva dzekutyora mitemo yekurwisa kupararira kwechirwere ichi (lockdown), izvo zvabva zvaita kuti huwandu hwevasungwa husvike 607 386,” vanodaro.

Panyaya yekudzivirira Covid-19 muzvikoro, Sen Mutsvangwa vanoti zvinhu zvakadzikama muzvikoro zvakawanda.

“Cabinet yaziviswa kuti ongororo yakaitwa kuPumula, kuBulawayo yakaratidza kuti zvikoro zviviri chete ndizvo zvakasangana nedambudziko uye zvimwe zvose zviri kushanda zvakanaka. Hurumende inosimbisisa kuti hapana anobhadharwa mari asina kushanda panyaya yematicha asiri kuenda kubasa. Bazi redzidzo riri kuunganidza mazita evarairidzi vasina kuenda kubasa munaKurume kuti rizoaendesa kuPublic Service Commission.”
Sen Mutsvangwa vanoti veruzhinji vakasununguka kunobaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 kunzvimbo dzavanoda munyika.

“Cabinet inoda kuvimbisa vagari vemunyika muno kuti vanokwanisa kunobaiwa majekiseni kunzvimbo dzavanoda. Izvi zvimwe chete nevanoda kubaiwa jekiseni repiri (2nd dose), kureva kuti vanhu vanokwanisa kubairwa kunzvimbo yakasiyana nekwavakabairwa jekiseni rekutanga, kana vachida.”

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 38 164 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 35 480 vakatopona asi vamwe 1 565 vakafa.

Vanhu vashanu vakafa nedenda iri nemusi uyu apo 62 vakawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa.
Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 370 676 vange vabaiwa majekiseni ekutanga kudzivirira Covid-19 munyika yose apo 63 263 vange vabaiwa epiri.

Share This:

Sponsored Links