Usashore mhumhu

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza—

SVONDO rino tinopfurira mberi nekupedzisa mubvunzo watakatanga svondo rapfuura. Iyi imhinduro yemubvunzo unoti;

  1. Tsanangura zvidzidzo zvakasiyana-siyana zvinobuda mungano uchishandisa ngano shanu dziri mubhuku iri. [25]

Mune rumwe rungano runonzi, Chinyamapezi munobudawo chidzidzo chekuti vanhu havafanire kushora vamwe nokuda kwemhumhu yavo. Izvi zvinobuda Chinyamapezi aive munhu anoshoreka pachimiro, asi anokwanisa kuroora mwana washe kuburikidza nekushingirira kukwira mumuti une nyuchi dzairuma chose sezvakange zvataurwa namambo kuti murume anenge ashinga kukwira mumuti uyu akasvika pane mwana wake aibva amuroora. Mungano iyi munobuda zvakare chidzidzo chekuti kushingirira kunounza pundutso sezvo Chinyamapezi akashingirira kurumwa nenyuchi, asi pakupedzisira akazogara zvakanaka nerufaro mushure mekunge ave mukuwasha wamambo.

Mune rumwe rungano runonzi Murume aive mvangamakomwe munobudawo chidzidzo chekuti kunyengedzwa hakuna ndakura. Tinonzwa kuti Dambudzo, aive mukadzi wemunhu anonyengedzwa kuti adanane naGukura. Pakupedzisira Dambudzo anonyengedzwa zvakare otizwa naGukura zvinoita kuti asare musango achitambudzika mushure mekunge anzvengwa. Kubvuma kunyengedzwa kunoitwa Dambudzo kunobudisa pachena kuti kunyengerwa hakuna munhu mukuru.

Cherechedzo: Pamubvunzo unoda zvidzidzo zvinobva mungano zvakakosha kuti pangano imwe neimwe utsanangure chidzidzo chimwe chete, kwete kuzoda kuburitsa zvidzidzo zvizhinji kubva mungano imwe chete. Mhinduro yapihwa apa ine zvidzidzo zvakawanda kubva mungano imwe chete kuti muone zvimwewo zvidzidzo. Iwe paunopindura mubvunzo wakadai, sarudza chidzidzo chimwe chawakanyanya kufarira mungano.

Zvekuita:

Mubvunzo:         Munguva yekare ngano dzaivepo kuvaraidza/kudzidzisa vana. Tsigira pfungwa iyi nengano shanu dziri mubhuku iri. [25]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey