Uyu ishasha uyu . . . ane ma’A’ 10 paA-Level

17 Jan, 2023 - 16:01 0 Views
Uyu ishasha uyu  . . . ane ma’A’ 10 paA-Level Tadiwanashe Mavetera

Kwayedza

Tanyaradzwa Rusike naLatwell Nyangu

MUKOMANA ane makore 19 ekuberekwa wepaRuya Adventist High School, Tadiwanashe Mavetera, aita mukurumbira mushure mekududa nema”A” gumi pabvunzo dzeA-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzemuna 2022.

Mavetera akanyora bvunzo dzezvidzidzo zvinoti Accounting, Mechanical Mathematics, Business Studies, Biology, Chemistry, Physics, Geography, Pure Mathematics, Statistics neEconomics.

Vadzidzi veA-Level vanowanzoita zvidzidzo zvitatu chete.

Kugona kwaakaita uku kuri kuwedzera pama”A” 20 aakabuda nawo pabvunzo dzeO-Level muna2020.

Sachigaro webhodhi reZimsec, Professor Eddie Mwenje, vanoti kunyangwe zvazvo bhodhi ravo risinganyanyotaura nezvekubudirira kwevana pabvunzo, kugona kwaMavetera kwakanyanya.

“Kuwana 50 poinzi kunodadisa. Ndinorangarira muna2017, vana vainyora zvidzidzo zvisere zvichidzika uye vaigonesesa vacho vaiwana 25 poinzi.

“Zvisinei, sebhodhi hatitaure pamusoro pekugona kwemwana mumwe nemumwe, zvinofanira kuitwa nezvikoro nevabereki. Ndokusaka kana tichiburitsa umboo hwekugona kwevana tinoita senyika yose,” vanodaro.

Tadiwanashe anoti aiverenga zvisina zororo uye anopa mbiri yose kunaMwari.

“Ndiri muSeventh Day Adventist uye chitendero changu chakabatsira zvakanyanya mukubudirira kwangu nekuti ndakazoona kuti tsime rehuchenjeri ndiMwari.

“Huchenjeri hwavo vakahuisa mushoko ravo mubhaibheri.

“Chitendero chakandibatsira zvikuru nekuti panguva yekusanzwa kugadzikana, ndaiverenga bhaibheri. Budiriro yangu yose kuda kwaMwari,” anodaro Tadiwanashe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey