Uyu murume wezita bedzi!

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

MAKASIMBA here Tete Chipangamazano? Ini ndiri mudzimai ane makore 24 ekuberekwa uye ndine mwana mumwe chete. Ndakawanikwa makore maviri adarika. Dambudziko rangu tete nderekuti kubva zvandawanikwa, ndakangosangana pabonde nemurume wangu kwemwedzi chete.

Murume wangu ndiye gotwe mumhuri mavo, saka tinogara pamusha nevabereki vake.

Ndakambotanga ndichifunga kuti kwaive kuzvitakura kwandainge ndakaita uko kwaiita kuti tisasangane, asi kubva pandakabetsirwa, mwana atove negore nemwedzi mishanu, hatisangane pabonde.

Ndakambomubvunzawo kuti chii chiri kumutadzisa kusangana neni, akanditi chaaingoda mwana anonzi ndewake, uyezve nekuwana munhu anomuwachira nekubikirwa.

Vabereki vake ndakavaudzawo nyaya iyi vakati ndiite zvinoda murume. Tete ndoitawo sei vabereki handina, kwekuenda handina chero ndikasiya imba yacho. Ndibatsireiwo ndashushikana.

Violet Tsotso.

Shurugwi.

MHINDURO:

Vazukuru zivai kuti kuenda kumurume hakusiriko kupedzisira kwehupenyu. Vanasikana musafunga kuti kuroorwa ndiko kuti wapedza zvose zvoupenyu. Iwe uri kuti hauna kwekuenda, ko wakambobvepiko?

Unoreva here kuti wakatonzi usadzoke kwawakambokurira?

Muzukuru kana zvisiri kushanda, tsvaka mabasa ekuita, kana remumba chiro, ini ndinotoshandirwa namai vane vana vatatu, vakasiyiwa nemurume achienda kuSouth Africa makore mashanu adarika. Asi chiri kundinetsa ndechekuti dai asingakude angadai akati chienda hako, zvandaida zvakaita.

Zano rondokupa nderekuti endawo kumachechi unonamatirwa newe uchinamatawo.

Hazvishamisi kuti murume wako ane zvaakaitwa izvo zvinomuita kuti ashaye simba kana ava pabonde. Izvi zvinhu zvinotoda kugadziriswa nen’anga kana maporofita anogona kwete venhema.

Asi kana zvaramba uye uchiona kuti murume wako haasi kukucheuka, tsvaka zvokuita, munhu ane mawoko maviri haafaniri kunetseka.

Kwekuenda unako nekuti kusvika makore awava nawo waigara nevanhu, enda kuhama dzekwaamai kana dzekwababa vako unovatsanangurira dambudziko rako.

Handina kuti ramba murume, ipapo pabatisise. Asi iwewe ndiwe uchaona kuti wotora danho ripi.

Ndapota kuroorwa sandi magumo eupenyu, vazukuru vhurikai pfungwa. Tevedzeraiwo zvakanaka zviri kuita vamwe.

Tete.

Share This:

Sponsored Links